New Curriculum: ‘Totangira papi?’

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
New Curriculum: ‘Totangira papi?’

Kwayedza

— ‘Hatina mabhuku, makombiyuta’

— ‘Zvikoro zvekumaruwa zvoita sei’

 Muchaneta Chimuka —
MASANGANO anomirira varairidzi anoti hurongwa hwekufambiswa kwegwaro idzva redzidzo muzvikoro, reNew Curriculum, huri kusangana nezvimhingamipinyi zvakasiyana izvo zvinosanganisira kushomeka kwezvekushandisa zvevana nezvevarairidzi zvakaita semabhuku ekuverenga.

Kwayedza yakaita ongororo muzvikoro zvine chitsama zvemuHarare neChitungwiza ndokuita hurukuro nemasangano anomirira varairidzi pamwe chete nevana vechikoro nevarairidzi vacho avo vose vari kuchema-chema nekuda kwemafambisirwo ari kuitwa chirongwa ichi.

Munyori mukuru wesangano rinomiririra varairidzi, reProgressive Teachers Union (PTU), VaRaymond Majongwe, vanoti chirongwa ichi chiri kusangana nezvimhingamipinyi zvine chitsama.

“Chirongwa ichi chakaunzwa zvikoro zvisati zvagadzirira uye zvinorwadza kuti kana ivo vadzidzi nematicha vose havatozivi kuti zvii zvinodiwa kuti vafambise dzidzo yavo zvakanaka. Saka hatisi kuona chiedza nokudaro zvave kuda kuti tichigara pasi, tione kuti zvii zvingaitwe nekukasika mukugadzirisa dambudziko iri risati radzika midzi mudzidzo yevana veZimbabwe.

“Zvave kuda kuti tizviite nechimbichimbi sekuvhara denga mvura isati yanaya,” vanodaro VaMajongwe.

Mashoko avo anotsigirwa nachamangwiza wesangano reZimbabwe Teachers Association (Zimta), VaSifiso Ndlovu, vachiti zvikoro zvakawanda hazvina zvekushandisa pasi pechirongwa chitsva ichi.

“Zvimwe zvikoro zvedu zvakagara zvisina zvekushandisa semakombiyuta kana zvivakwa zvacho. Saka kuunzwa kwechirongwa chitsva chedzidzo watove mutoro pamusoro pemumwe mutoro wakagara uripo.

“Zvakare, zvichadhurira vabereki nekuti vachagumisira vave kunzi vatenge zvimwe zvinhu zvinodiwa. Saka tinokurudzira Hurumende kuti itsigire dzidzo kuti mwana wose ange achiiwana pasina kudhurirwa nekuti kunyangwe bumbiro remutemo wenyika rinoti mwana wese ane kodzero yekuwana dzidzo pasina rusarura,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kana ivo varairidzi chaivo havasati vawaniswa sirabhasi yacho nekuti Hurumende yakaendesa ari ma‘soft copy’ paindaneti. Saka idambudziko kuvarairidzi vasina indaneti kana makombiyuta acho, zvikuru vekumaruwa nevamwe vari mumaguta.

“Zvave kuda kuti tigare pasi titaurirane kuitira kuti tione kuti zvine chiedza here nekuti zvinhu izvi zvinoda mari uye varairidzi vakawanda vanofanira kupinda muzvirongwa zvavanofundiswa nezvezvidzidzo zvitsva izvi.”

Zvakadai vamwe varairidzi vakaita hurukuro neKwayedza — avo vakakumbira kuti mazita avo asaburitswe nekuda kwemutemo webasa — vanoti havasi kuziva kuti votangira papi nechirongwa ichi.“Kutaura kudai tiri kutoshaiwa kuti vana vechikoro totangira papi kuti tivadzidzise nezveNew Educational Curriculum nekuti mabhuku acho hatina, kana midziyo yekuti tinge tichivafundisa mabasa emaoko. Pamusoro pezvose, hatisati tawaniswa sirabhasi yacho nekuti hatisati tava nemakombuyuta asi bazi rezvedzidzo rinoti rakaisa padandemutande reindaneti.

“Saka tiri kuomerwa sevarairidzi kunyangwe vadzidzi vave kutotyirawo kuti temu inogona kupera pasina chavadzidza zvisinei nekuti vakazarura chikoro vaine mufaro wekuti vagodzidza zvitsva,” anodaro mumwe murairidzi wepane chimwe chikoro chiri kwaSeke.

Vamwe vana ndivo vari kuchema-chema kuti havana magetsi muzvikoro zvavo zvisinei nekuti makombiyuta acho ariko.

“Isu pachikoro pedu tine makombiyuta akawanda kuti titangise zvidzidzo zvesainzi. Asi magetsi ndiwo asati aiswa saka idambudziko guru,” anodaro mumwe mudzidzi wepane chimwe chekuChitungwiza.

Mukuru wechikoro cheB and P Study Centre High School, kuChitungwiza, VaEmmanuel Thilli, vanoti pachikoro pavo vari kufara kuti vakakwanisa kutenga zvose zvinodiwa, kusanganisira makombiyuta anokwanirana nevana. Vadzidzisi vavo zvakare vakafundira zviri kudiwa pasi pechirongwa chitsva ichi.

“Danho rakatorwa neHurumende rekuti vana vafundiswe zvitsva zvinova zvinovabatsira muraramo yavo yemangwana isu pano takaritambira nemawoko maviri. Takatotanga kufundisa vana zvidzidzo zvegwaro idzva nekuti takaona zvichifambirana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tatova pamberi nekuti tine library ine mabhuku ese anodiwa uye makombiyuta nenzvimbo dzekufundira mabasa emawoko. Mabasa akaita sekusona, kuvaka, kurima anobatsira vadzidzi kuti vana vazokwanisa kuzvishandira pavanopedza chikoro.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>