Ngano netsika dzaVaShona

04 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza

  1. NGANO dzaivepo kuchengetedza tsika dzaVaShona, tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzinobva mubhuku iri. [25]

Pasichigare ngano dzaivepo kuchengetedza tsika dzaVaShona, izvi zvinobuda mungano inonzi, Vasikana navakomana shumba. Mungano iyi munobuda tsika yekuroorana vamatongo. Vanasikana vana vari mungano iyi vakatadza kutevedzera tsika yekuroorana nevematongo zvikazoita kuti vade kudyiwa neshumba dzainge dzavaroora sezvo vainge varoorwa navanhu vavasingazive.

Mungano imwe chete iyi munobuda tsika yaVaShona yekupira midzimu. Izvi zvinobuda pavanasikana vakange vatiziswa nevakomana vakazopinduka kuita shumba. Vakazodzoka kumusha mushure mekunge vabereki vavo vapira midzimu kuratidza kuti VaShona vaikoshesa midzimu yavo sezvo iri iyo yaivatungamirira. Saka kupira midzimu itsika yaVaShona inoburitswa mungano iyi pasichigare.

Mungano inonzi Murume aive mvangamakomwe munobuda tsika yeVaShona yekukoshesa madzimai avamwe vanhu. VaShona vane tsumo inoti mukadzi wemumwe ndiambuya, kureva kuti haafanire kutambwa naye zvakanyanya.

Murungano urwu mune murume ainzi Gukura ainge asingakoshesi madzimai avamwe, nokudaro akazotizisa, Dambudzo mudzimai wemunhu. Akaona kuti apara mhosva ndokutiza munzvimbo iyi achisiya, Dambudzo.

Vabereki vaGukura vanozoripiswa mhou nemwana wayo nokuda kwekukanganisa kwakange kwaitwa nemwana wavo.

Kuripiswa mushure mekutora mukadzi wemunhu kunoburitsa kuti VaShona vaive netsika yekukoshesa madzimai evanhu.

Mungano imwe chete iyi munobudawo tsika yekutonga mhosva padare yaiitwa naVaShona.

Nyaya yekutora mukadzi wemunhu yainge yaitwa naGukura inotongerwa padare apo vabereki vaGukura vanobvuma mhosva yavo vobva varipiswa. Apa panobudawo tsika yaVaShona yekuripana kana munhu achinge akanganisira mumwe wake sezvo Gukura achiripiswa mhosva yekutora mukadzi wemunhu.

Mungano, Vakomana vakapfudzana pamusikana munobuda tsika yaVashona yekushandira vatezvara kunoitwa nemukuwasha. Murungano urwu, Chiwareware anonoswera achiita basa mumunda watezvara vake izvo zvinova zvaitarisirwa pachivanhu kuti mukuwasha aifanira kushandira tezvara, ndosaka VaShona vaine tsumo inoti mukuwasha muonde hauperi kudyiwa kureva kuti rubatsiro rwemukuwasha kwatezvara vake rwakange rwusina magumo.

Imwe ngano inoburitsa tsika dzaVaShona yakanzi, Mwanasikana navabereki vake. Mungano iyi munobuda tsika yekuroorana.

Mukomana aikosa mukosi neruoko rumwe ndiye akazokwanisa kuroora mwanasikana aichengerwa navabereki vake zvichiburitsa tsika yekuroorana uko kwaikosheswa zvikuru naVaShona. Mukomana wekukosa mukosi anodzokera kumba kwake kunotora sadombo namapadza okuti akwanise kurooresa mudzimai wake.

Mungano, Chikava chaipinduka chichiva munhu munobuda tsika yaVaShona yekupotera kumukuru kana munhu achinge aita mhosva.

Murungano urwu mwana, Musarurwa anowanikwa nemukomana aipinduka kuve chikava vabereki vake vasingazvizive. Paanozotiza kuchikava chiye anonopotera kwaambuya vake vaanotsanangurira zvainge zvaitika.

Ambuya ndivo vanozonozivisa vabereki vaMusarurwa vachibva vazobvuma zvavo kutambira mwana wavo kunyange ainge avakanganisira achienda nemunhu waasingazive.

Kupotera kunoita Musarurwa kunobva kwaburitsa tsika yaVaShona yekupotera kana munhu achinge aita mhosva kuitira kuti awane mumwe anomusvitsira mashoko kuvakuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>