Nyanzvi dzesainzi dziri kusangana

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

BAZI redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina svondo rino riri kuita gungano rekuratidza hunyazvi hwezvigadzirwa zvesainzi kuburikidza netsvakirudzo yakadzama – Research and Intellectual Expo – Science, Engneering and Technology Week (RIE-SET week 2014) – nedonzvo rekusimudzira mabasa ane chekuita nesainzi.

Gungano iri richaitirwa kuUniveristy of Zimbabwe kubva nemusi weChitatu kusvika neMugovera uye richapindwa nenyanzvi dzesainzi dzemuZimbabwe pamwe nedzekune dzimwe nyika.

Chinyorwa chakabva kubazi iri chinoti zviratidzwa izvi zvichapa mukana kune vanamazvikokota vesainzi, vanosanganisira vemuHurumende, indasitiri, zvikoro, mayunivhesiti pamwe nemamwe masangano akazvimirira, wekupangana mazano.

“Chirongwa ichi chakavambwa nebazi rino nechinangwa chekuratidza hunyanzvi hwezvigadzirwa zvesainzi kuburikidza netsvakiridzo yezvizvarwa zveZimbabwe, kusanganisira zviri kunze kwenyika.

“Chinopa mukana wekupangana mazano nekushanda pamwe chete kwemapoka anoona nezvedzidzo yepamusoro,” rakadaro bazi iri.

RIE Expo yakavambwa mugore ra2011 zvikaita kuti iite mukurumbira segungano ravanamazvikokota vesainzi rekupangana mazano.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>