Uncategorized

Nyanzvi dzoti hakuna zvakadaro

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYANZVI inoona nezveutano hwemhuri kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (director for family health), Dr Bernard Madzima, vanoti hakuna zvakadaro zvekuti munhukadzi anotevera nemukanwa.

“Hazviitike kuti munhukadzi anotevera mazuva ake nemukanwa. Tingatofungidzira kuti anogona kunge aine chimwe chirwere chinofanira kuvhenekwa kwete zvekutevera nekuti ropa rekutevera rinofanira kuwanikwa richibuda kuburikidza nesikarudzi kubva muchibereko,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nemutungamiriri wesangano rinomirira machiremba echivanhu reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vachiti kunyangwe pachivanhu hakuna zvinhu zvakadaro kuti munhu anotevera nemukanwa.

“Zvitori zvitsva, hatisati tambozvinzwa. Mudzimai uyu anogona kunge aine rimwe dambudziko semaronda muchipfuva saka anoda kuvhenekwa nemachiremba echivanhu. Asi tinokurudzira kuti atange aonekwa nemachiremba echirungu nekuti zvimwe zvacho zvinoda michina yechirungu. Aiwa izvi zvinotityisawo isu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>