Nyaya iyi yaigona kundiny’udza: Paradzai Mesi

25 Apr, 2023 - 15:04 0 Views
Nyaya iyi yaigona kundiny’udza: Paradzai Mesi Paradzai Mesi (kurudyi) achibuda mudare aina Sekuru Banda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUIMBI weSungura, Paradzai Mesi (51), uyo anotungamirira chikwata cheNjerama Boys, uye anga achipomerwa mhosva yekuba girosari mune chimwe chitoro chiri kuGlendale, akaregererwa nedare reConcession Magistrate Court nemusi weMuvhuro uno mushure mekunge muridzi wechitoro ichi abvisa nyaya iyi mudare.

Mesi anotenda vakamuregerera munyaya iyi neavo vakamubatsira achiti, “nyaya iyi yaigona kundiny’udza”.

Mesi, uyo anogara papurazi reKiyawora riri muConcession, akasungwa nemapurisa svondo rapera nemhosva yekupazira muchitoro nekuzobamo.

VaNever Sabao (40), avo vane chitoro chinonzi chakabiwa naMesi, vakazonyorera kudare vachikumbira kuti nyaya iyi ibviswe mudare iri.

Paradzai Mesi (kuruboshwe) naNever Sabao (kurudyi) vachiregererana apo Sekuru Banda vaive vakatarisa

Mesi anonzi akaenda kupurazi reHermiston akanopazira muchitoro chaVaSabao akaba girosari.

Sekuru Kamwelo Banda ndivo vakazobhadhara mari yegirosari rinonzi rakabiwa naMesi vachipa kumuridzi wechitoro ichi.

Muimbi uyu akamira pamberi pemutongi Maunga uye muchuchisi ari Nengomasha.

VaSabao vakaudza dare iri kuti vava kubvisa nyaya iyi nekuda kwavo uye pasina anovamanikidza kana kuvavhundutsira.

“Ndabvisa nyaya iyi mudare nepfungwa dzangu pasina kumanikidzwa nekuda kwekuti tiri vagarisani naParadzai Mesi,” vanodaro VaSabao.

Vabuda kunze kwedare, Mesi akazotenda VaSabao nekubvisa nyaya iyi mudare uyewo naSekuru Banda nekuripira kwavakaita mari yegirosari raanonzi akaba.

“Ndinotenda VaNever Sabao nekubvisa nyaya iyi kudare redzimhosva uyewo naSekuru Banda nekubhadhara mari yezvinhu zvakashaika. Ndinoti vasaitire ini chete, asi nevamwewo vane matambudziko akasiyana, pasina izvozvo nyaya iyi yaigona kundiny’udza,” anodaro Mesi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey