O-LEVEL — MUSEVE USINGAPOTSE/SHOKO HARIVHIKWI: Kuteura kuvadzimu

27 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
Kukosha kwevadzimu pasichigare: (Tinoenderera mberi) Kare vanhu vaiteura kuvadzimu. Tinozviona kuna VaMatose vanorayira Karinge kuti hama ine mutupo wedzinza ndiyo inoteurira midzimu kwete mutorwa uye muteuro wacho unenge uzere mutauro unodzamisa tsika nemagariro avo sezvakazoitwa naMambo Chakaingesu voteurira midzimu vari muninga yairadzikwa madzimambo avo.

Muupenyu hwepasichigare midzimu hayaiteurirwa nemhombwe kana varoyi. Izvi zvinobuda VaMatose pavanodzidzisa Karinge vari kuninga yairadzikwa madzimambo avo vachiti midzimu haiteurirwe nemunhu abva kunopomba kana muroyi nekuti aigona kuzopedzisira ave kutetereka nemasango.

Muchinyakare vanhu vaikumbira mvura kumidzimu. Tinonzwa nezwi remunyori kuti munyika yaMambo Mupambi vaiti mvura ikanonoka kunaya, zvairatidza kuti kwaigona kuzoita nzara naizvozvo vaizonodetemba kumidzimu yavo vachikumbira mvura yobva yanaya zvekuzadza nzizi.

Pasichigare vanhu vakawirwa nematambudziko vaichemera vadzimu vavo. Zvinoonekwa kuna Mambo Mushoshoma pavanopora vachibva kuninga kwavairapirwa ndokuwana musha wavo waparara.

Vanobatikana zvikuru ndokutanga kuchemera vadzimu vavo vachinyunyuta kuti chii chavakaita chaisaka kuti vaparadzirwe musha nemhandu.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

 

SHOKO HARIVHIKWI

Mubvunzo nemhinduro yesvondo rakapfuura.

14. Sarudza nhetembo ina dziri muna Shoko Harivhikwi dzavananyanduri vakasiyana ugotsanangura kuti zvii zvinotaurwa nezverumbidzo mudetembo rega rega. [25]

Munofanira kusarudza nhetembo ina dzananyanduri vakasiyana dzinoburitsa dingindira rerumbidzo. Jekesai pfungwa yerumbidzo yacho mozoipa tsigiro inobva munhetembo.

Nhetembo dzacho ndeidzi; Mvura naJesca Rushwaya-Marwiro, Chenai naAlex Chirumbwana, Wedenga naSolomon H. Munorevesa uye Nyadenga naMedia Mugandani.

Detembo rekutanga nderaJesca Rushwaya-Marwiro rinonzi Mvura, anoburitsa Rwizi rwuchirumbidza mvura nekunaya kwayaita nekuti yapa zvipuka zvemumvura mufaro separwunoti, “Waturuka bedzanyota, mangwana chaiye, musha wangu rinenge riri besanwa kufarira iwe donhodzo.” Uswa nemiti zviri kuburitswa zvichirumbidza mvura nekuturuka kwayaita kubva mudenga nekuti zvakuchizobukira sepazvinoti, “Isu uswa nemiti tochitanga kutungira, kuratidza kufarira iwe wauya.” Munhu ari kurumbidza kuturuka kwaita mvura nekuti awana chekugezesa muviri sepanonzi, “Wandigonera ini munhu, ndoshamba ndakatandavara murukova.”

Detembo repiri nderaAlex Chirumbwana rinonzi Chenai, anorumbidza hunaku hwaChenai hunoshamisa sepaanoti, “Runako rwaChenai rwandikatyamadza.” Nyanduri ari kurumbidza Chenai nekuti musikana ane tsitsi sepaanoti, “Tinomuyemura nokuti akachena mwoyo.” Nyanduri ari kuyemura Chenai nekuti anopa vanhu vese ruremekedzo rwakaenzana sepaanoti, “Vanhu vose unovapa rukudzo rwakafanana.”

Rimwe detembo nderaMedia Mugandani rinonzi Nyadenga, anorumbidza Mwari nekuti mukuru kune vese vane zvinhanho sepaanoti, “Tinotenda Mambo wemadzimambo.” Nyanduri ari kurumbidza Mwari nekuti vanoramba vachingotida kunyangwe zvedu tiri vatadzi sepaanoti, “Munoramba muchitidzikinura isu vatadzi.” Nyanduri anoti nyika zhinji nhasi uno dzinopa mbiri huru kuna Mwari sepaanoti, “Nyika dzose dzinokurumbidzai.”

Mudetembo raSolomon H. Munorevesa rakanzi Wedenga, anorumbidza rudo rwaMusikavanhu nekuti rwakawandisa sepaanoti, “Ndimi zvenyu vemwoyo, dziva rerudo.” Nyanduri anorumbidza Mwari nekuti vanotichengeta tese sepaanoti, “Yedu mweya ndimi muchengeti.” Nyanduri ari kurumbidza Musiki nekuti vanotipa chekudya sepaanoti, “Kwamuri imi edu mahobi ongochingidzira.”

. Tangai kuita mubvunzo unotevera:

15. Kubva muna Shoko Harivhikwi sarudza nhetembo imwe chete yawakayemura. Zvino chitsanangura zvizere zvawakayemura munhetembo iyi wakanangana nezvainoreva uye mashandisirwo emutauro. [25]

Ndinokupai mhinduro yacho svondo rinouya.

  • Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O- Level (Revised Edition).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>