O-LEVEL — MUSEVE USINGAPOTSE/SHOKO HARIVHIKWI: Vatambi vasungwa

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza
Matambudziko anowira vatambi (tinoenderera mberi): Tinonzwa nezwi remunyori kuti harahwa dzemumusha waMambo Mushoshoma dzakanga dzakasuruvara mushure mekunge vangodonha paruvanze rwavo mangwanani vachangomuka. Vakazotakurwa nedzimwe harahwa vachiendeswa kuninga yedzimbahwe ravo kwavakazonorwara zvakanyanyisa zvekutadza kutaura. Muna Museve Usingapotse vatambi vanosangana nedambudziko rekusungwa. Tinozviona kuna Pondai paanosvika achidonhera pamakumbo aMambo Mupambi nekuneta mushure mekupoterako achitsvaga rubatsiro rwekupamba Mambo Chakaingesu. Izvi zvinoita kuti vazomushevedzera machinda avo Nyamaropa naNhemamusasa kuti vamupfigire muimba yevasungwa.

Vatambi vari murungano urwu vanowirwa nedambudziko rekuparadzirwa mhuri. Dambudziko iri rinoonekwa richiwira Nyamaropa anoudzwa naZvione mudzimai waGoritoto kuti mhuri yake yaakanga achibvunza yaive yagurwa misoro vakatarisa.

Nyamaropa achinzwa izvi, anotanga kuchema achifunga mhuri yake yaive yaparadzwa naMambo Mupambi.

6. Tsanangura zviitiko zvisingatendeseki zviri muna Museve Usingapotse. [25]

Zvinhu zvisingatendeseki hazvina chokwadi maererano neupenyu hungararamwe nevanhu, inokwanisa kuve wedzeredzo yesimba nemaitiro emunhu

(Tinoenderera mberi svondo rinouya).

Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level).

SHOKO HARIVHIKWI

Mubvunzo nemhinduro yesvondo radarika.

8. Blessing Magodo anofarira dingindira rezvematongerwo enyika mukudetemba kwake. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake nhatu dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]

Mubvunzo uri kuda nhetembo nhatu dzaBlessing Magodo dzinotaura nezvematongerwo enyika. Tanga nekudoma pfungwa yezvematongerwo enyika wopa tsigiro dzinobva munhetembo.

Nhetembo dzacho ndeidzi; Takazoti ngadzirire zvadzo, Nhasi tozvirova matundundu naZimbabwe ngatibatane.

Mudetembo rinonzi Takazoti ngadzirire zvadzo, nyanduri anoti magamba akabatana kurwisa vachena vaivadzvanyirira, kusvikira vavakurira sepaanoti, “Ndokubatana naVaTakawira kudzimara bhunu, tarikurira.” Nyanduri anoti vakabatsirana kuronga kuti varwise vachena vaivatorera minda ine vhu rine maguta sepaanoti, “Minda vaitora yakaorera, tichipihwa yakasakara, zvino takazoti ngadzirire zvadzo.”

Nyanduri anoti kuzvipira kwakaita kuti magamba abudirire pakusunungura nyika sepaanoti, “Pane gore ravakazozvipira, ndokubatana naVaTakawira kusvikira vakurira vachena.” Nyanduri anoti vaibatwa senhapwa nevachena avo vaivashandisa kuti vagare zvakanaka sepaanoti, “Tainge varanda richibuda ziya, tichishanda ivo vachidya uchi nemukaka.”

Muna Nhasi tozvirova matundundu, nyanduri anoti vaimbodzvanyirirwa nevapambepfumi asi kubva pavakavakurira vave nerugare sepaanoti, “Chaisimbotemura nhasi choseva.” Nyanduri ari kutiratidza dzidzo yavepo mushure mekubatana kwakaita magamba ndokuunza rusununguko rwenyika sepaanoti, “Dzidzo yangove fararira muZimbabwe.” Nyanduri anoti kubva pavakakunda vapembepfumi muhondo yerusununguko, nyika ino yave nemufaro mukuru sepaanoti, “Mhemberero yatekeshera muZimbabwe.” Nyanduri anoti vanhu vakabatana vaine chinangwa chimwe chete chekusunungura Zimbabwe sepaanoti, “Takaita mushandirapamwe hwemajuru, tichirwira nyika yedu.”

Mudetembo rinonzi Zimbabwe ngatibatane, nyanduri anoti vana veZimbabwe tinofanira kubatana tisakundwa semajuru anogara pasina mhirizhonga sepaanoti, “Ko chingazotikonisawo chii, isu maZimbabwe kubata pamwe pasina zhowezhowe.” Nyanduri anoti kubatana kunoita kuti tigarisane zvakanaka munyika nguva dzese sepaanoti, “Ngatibatanei tidzidze kugarisana zvakanaka samatamba ari munhava.”

Nyanduri anoti vana veZimbabwe tinofanira kubatana torega kuvengana sepaanoti, “Ngatibatanei, tisarimirana kumuganhu semhandu nemhandu.” Nyanduri anoti vanhu vakasabatana hapana budiriro inovepo munyika sepaanoti, “Njakenjake haiumbi chimwe chete.”

Tangai kuzviitira mega mubvunzo unotevera:

9. Kubva muna Shoko Harivhikwi Alouis T. Sagota anonyora pamusoro pedingindira rematambudziko anosangana nezvizvarwa zvemuAfrica nererayiro. Tsigira pfungwa iyi uchishandisa nhetembo mbiri padingindira rega rega. [25]

Ndinokupai mhinduro yacho svondo rinouya.

Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>