O-LEVEL —NDIKO KUSASANA: Sekai anodzokera mbatya dzake kwaMugadzi

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 8 (Ongororo: Enderero mberi):
Kudimikira kushoma tinokuona kuchishandiswa uko kunotiratidza kuti Mugadzi akagumbuka achiti, “Akandigura kunorira” (105). Robby pakamboenda Sekai akafanira kunge akasurukirwa chaizvo. Apo Sekai anouya kubva kumusha Robby anenge akamumirira “nemaoko maviri” (106). CHITSAUKO 9 (Nyaya yacho):Sekai naLydia (Fadza) vari kukurukura maererano nezvikomba zvavo pozomuka nyaya yekuti Sekai aende kunotora mbatya dzake asi anoti anotya kuenda kumba kwaMugadzi ndokuronga kuti vaende vose nemusi weMugovera. Fadza anoyeuchidza Sekai nezvezano riya ndokumuti kana ava kuendako ngaasvike akasununguka achiratidza Mugadzi kuti haasisina basa naye.

Chichiri kunetsa Sekai ipfungwa dzekuda kunoona vana vake asi Fadza anomuyambira kuti Robby anogona kuzofungira kuti ava kuda kudzokerana naMugadzi sezvo Robby naRoddy vachivachengera zvikuru izvo zvisingafadzi Sekai nekuti havazi varume vavo vakavaroora.

Asi varume ava sevanhu vasingashayi mari vanoda kuchengetedzwa asi vachidanana zvavo nevamwe varume kunyanya vafanha vari pakanzuru paChitungwiza vakapedza kosi vachine dzungu rekuda kugezwa. Nyaya yekuroorwa zvakare havadi nekumboinzwa ndokuyeuchidzana kunwa mapiritsi ekusabata pamuviri.

Zuva rorereka vanoenda kunotenga nyama. Nekungwara kwake, Fadza anowana nyama yakawanda kwazvo yedhora rimwe chete kubva kumukomana aitengesa nyama. Abvunzwa, Fadza anoti kakomana aka akambomhanya nako kasati kavhundutsirwa naRoddy. Kari kuda kuti vadzokerane asi kari kutya.

Sekai anobva aona kuti vatete vake vaive shasha panyaya dzevarume ndokushaya kuti ko iye aizozvigonawo here. Mumwoyo make munaRobby uyo anomupa rudo rwaimutekenyedza kupfuura mbatya dzinomedzesa mate. Iwo mafuta anonhuwirira vaiita okudira pamiviri yavo.

Vapedza izvi, vanomborova mumwe nemumwe bhosvo rehwahwa. Vari mubhazi vanoronga zvekusvikira kumuzukuru wacho kwaChipunza asi Fadza anomuti achine pfungwa dzekumamisha chaidzo. Vanosvika pamuzukuru ndokugamuchirwa nomufaro nemudzimai waChipunza uyo anovaudza kuti vana vaSekai vanongoswera vachimbeya nemadziro. Mazwi aya anodyunga Sekai pamwoyo ivo vadzimai vaChipunza vachienderera nekudyara imwe mhodzi yeruvengo. Fadza anozodzvokora Sekai neziso raireva zvakawanda uyo anoita kuti Fadza naMai Chipunza vazivane ndokubva ataurira muzukuru kuti vainge vauya kuzotora mbatya dzake. Mai Chipunza vanobvunza kana Sekai akazombodzoka kubva zviya iri nzira yekutsvaga makuhwa ekuzokusha kukirabhu. Sekai anokumbira muzukuru Chipunza kuti avaperekedze. Apo Sekai anobvunza kuti Mugadzi ariko here, Mai Chipunza vanowedzera kuti Sekai anzwe ruvengo asi vasingazivi kuti ainge asisinei naMugadzi. Mai Chipunza vanoenderera mberi nekutaura zvinoitika pamba paMugadzi, Sekai ndokunzwa kakusvotwa nemanyepo aMai Chipunza chero zvazvo aive asisinei naMugadzi.

Vasvika pamba paMugadzi. Mai Chipunza vanoti vavigira Lily vaenzi iye kwava kusimuka kunomhorosa vanaSekai. Vanokwazisana Charles kobva kakandira ndiro yamazai pasi kwava kuzviwisira pana amai vako. Sarudzai anotozomhoresa amai vatogara pasi. Vanhu vanoomberana Charles ndiye anotombodzima runyararo nekushereketa ari pamakumbo aamai vake achivaudza nezvekutengerwa bhasikoro, ndege nekabhazi naamainini. Sekai kwava kutanda nyadzi achiti vakaita zvavo, ivo vakavatenda here? Anotarisa zviri mumba umu ndokuona kuti maidyiwa machikichori chaiwo nekuona paine chikafu nemacheya ezera revana. Mugadzi ndipo paanobva abuda mubhavhu umo ainge achigezera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>