O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Chigange ndiye achatungamirira mauto aRevai

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 10 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Mambo vanomuti achivapakurira kazano kake vaone kana kachikodzera kukurukurwa pamusoro pako. Revai anotaurira sekuru vake kuti akasiya mombe zhinji kwazvo nezvimwewo zvipfuyo zvababa vake kwaShe Chokupamba izvo sezvo ainge ave nevarwi vake ava aendeko kunozvitora. Sekuru vanoti vachambozeya nyaya iyi vozokurukura ramangwana racho.

Vakararoizeya mangwana acho ndokuzobvumira muzukuru wavo kuti aite sekufunga kwake. Chigange ndiye aive mutungamiriri wemauto, Pondai achizobatsira kana zvanetsa. Mumazuva anotevera chikwata chemauto evarume vanosvika makumi matatu chinosarudzwa kuzonoita basa iri vachiti Chigange pamusoro pavo, kwotevera Pondai uyo ainge ane shungu dzekupfuura achiona hama dzake kumusha dai zvaikwanisika.

Nekupindana kwemazuva Revai anonyatsoraira mauto ake zvaifanirwa kuita kusvika vaita zvinangwa zvavaizenge vatumwa. Mangwana mangwanani Revai naishe vanopira nyaya kuvadzimu nemukombe wezviyo zvavaizonyika nezvimwe kuitira diramhamba rematendo kana mauto azodzoka zvakanaka. Vava kuda kuenda, Revai anopakurira mauto mashoko ekugumisira vasati vasimuka kuenda kwaIshe Chokupamba.

Anovaudza kuti vachazviona kuti nei asarudza Chagange naPondai kuti vavatungamirire izvo mauto anobvumirana nazvo. Mumwe murume anonzi Choruma haafari nazvo nekuti aida hukuru asi anoshaya chekuita nazvo. Revai anoenderera mberi achitaurira mauto ake kuti pane chimukuyu chavanofanira kutakura. Kana paita anenge arwara paive naChoruma godobori reurapi.

Choruma anofara chaizvo achinzwa izvi. Vasvika kwaShe Chokupamba vachasvika neshoko rake masikati machena, kwete kuita zvekuhwandira neusiku.

Chigange ndiye achataura navo kuti vamupe chero hahwo upfumi hwababa vake hwawakadya nekugovana. Kana varamba vachavaratidza kuti vane meno anocheka zvakapinza chaizvo. Vose vanofanira kudzoka vari vapenyu.

Chigange anofara chaizvo asi kwete Choruma, uyo ainyunyuta zvikuru kuti dai ari iye mukuru wemauto sezvo ainge ari iye akanga akabata upenyu hwawo panyaya dzeutano. Pondai aingunopishana nekutsvaka mazano ekuti akwanise kuzoona hama dzake kana vodzoka. Vazhinji vemauto vaizvinetsa kuti vachaita chii kuti vawane chiremekedzo chekuti vave magamba emusha uyu.

Mauto anofamba mitunhu yakareba vachizvivanza kune vekwaDendera nevekwaZindoga. Vapedza mitunhu isingaperi vanosvika mubani guru Chigange ndokumira. Varwi vaneta vave nehasha nekuti mavhiki maviri ainge apfuura vainzunzuta kuenda kwaShe Chokupamba. Chigange anoyambira mauto nekutsigisa hana nemashoko aakange audzwa naRevai.

Chigange anoudza varwi kuti anoda kuti azive nyanzvi dzavo dzichamira mberi kana Chokupamba aramba nezvipfuyo zvavakatumwa. Paidiwa kuti mumwe nemumwe wavo amire mberi achirwa nenyanzvi yemuvengi. Vapedza ivavo vamwe vaizopindawo kuitira kuti varatidze umbirimi hwavo.

Choruma anosimuka ndokuzvipira kuti anoda kuvaratidza kuti mhondoro huru dzenyika dziri Mutenure. Pondai anoda kuedza kutaura kuti anogona kurwa asi zvinongogumira muhuro munhu ndiye kunyarara.

Chigange anotenda Choruma nekuzvipira kwaaita asi vasati vaona zvidaudau nemashiripiti ake panoda kuve nevachatanga kuratidza unyanzvi. Panoshaya munhu Chigange ndokuti iye ndiye achatanga kurwa nenyanzvi yomuvengi.

Usiku uhu Choruma anogadzirira mashiripiti ake. Panokuhwidzwa zimoto guru izvo zvinoita kuti Chokupamba abva aziva nezvevanhu ava.

Vasori vake vakange vanyangira ndokunyatsoona kuti mauto aya ainge akapakatira zvombo nekuve varume vakasimba.

Mambo Chokupamba anounganidza makurukota ake ose vakashaya mazano, akazovaudza kuti iye akange asingazvide zvekurwa.

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>