O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Revai anoroora tsvarakadenga yake

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 9 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Zvaitonzi Ruramai airoya zvekuti vana vose vaifa mumusha umu iye aivewo mukati mevadya vanhu zvichinzizve mumba mavo maigara mune shato yaisiirwa sadza manheru ega ega asi zvose izvi zvakatadza kupaza rudo rwavaviri ava rwakange rwasungwa neutare. Revai anozoroora Ruramai kwava kugara vose nemhuri yose pamusha mutsva,

Revai ava kutotungamirira zvose zvemusha kunyange zvazvo vasekuru vake vakange vachiri vapenyu.

ONGORORO
Chitsauko ichi chinoonekwa kuti chine mapeji anokwana kuita mana nechidimbu chete asi zvirimo zvakakomba.

Chatinotanga kuona paPeji 89 kushandiswa kunoitwa nyaudzosingwi zvekuti tinobva tanyatsa kuona maitikiro ezvinhu sekunge takatarisana nazvo. Muenzaniso ndeuwu: “Iyo huyo waingonzwa kuti kumvee kumvee vachinakirwa nekuimba. Revai akasvikoti nde-e kuyeva zvaiitwa naambuya wake.”

Maererano netsika nemaitiro evanhu, pane zvatinodzidza. Vari mbuya vaRevai tinodzidza kuti “ambuya vainyatsoimba zvinonwisa mvura” (89). Kuzoti kana ari Ruramai tinonzwa munyori achititaurira omene achiti “Chaifadza mhuri yekwaMachingauta unhu nerunako rweaizova mwenga wavo. Shasha yaaTarusenga ainge akadonha kubva mudenga” (92).

Vari VaMatinyanya zvinonzi maererano nechembere iyi “kwakati kwasvika chembere yemakuhwa yainzi Matinyanya ikati ndiyo yaizozvipedza” (93).

Tinodzidza nezvetsika dzechinyakare apo munyori anenge achitaura achitidzidzisa panguva imwe chete. Tinonzwa zvichinzi: “Pachinyakare zvaiera kuona mukomana nemusikana vachikurukurirana zverudo pamugwagwa semazuva ano. Mukomana aitoudza vatete kana ambuya vake nezvemusikana waanenge ada. Vatete vaizokurukura nemhuri yemusikana kusvikira vanzwisisana. Musikana kana ada mukomana, mutume wavo anoramba ari tete kana ambuya ivavo kusvika nyaya yajeka” (90).

Tsumo tinodziona dzichipa udzamu kune zvinenge zvichitaurwa. Munhu kana uchinge wakamboita chimwe chinhu ichi chouyazve munhu unenge wangwarira nekudaro hamuzopamhidzi kuzochiitazve. Ivo ambuya vaRevai ndivo vakatanga kupinda munyaya dzorudo idzi nekudaro vakangwadzwa nazvo saka vachitaura kwaari vachiti, “. . .

chakatanga ndochakachenjedza” (90).

Munhu anoda munhu waanenge asarudza nekudaro Revai ainge ada Ruramai saka mbuya vake vachiti kwaari, “. . . aiwa muzukuru, moyo muti unomera paunoda” (90). Mwanasikana akaita saRuramai akarayirwa nevabereki vake akanzwa achikura nekunzwisisa uku nekudaro katsika aka kakagara kari maari zvekuti anongoerekana oita sekudzidziswa kwaakaitwa. Saka zvichinzi, “. . . shiri ine muririro wayo haizourega” (92). Enzaniso tinodziona dzichishandiswa zvakati kuti. Tinobva tanyatsa kuona kuti musikana aibvunzwa naambuya vaRevai aifanira kunge ari munhu anotarisika zvakanaka sezvo vachiti ati amuonawo here akajeka” semwedzi wechirimo” (90). Mbuya vava munhu mukuru nekudaro vainge vatozviona kuti gosha Revai inenge yava nepane payafunga zverudo nekuti ainge ongogara ari pedyo nepamba zvavanoti aigwesha nemaberevere “kunge makadyiswa chipotanemadziro” (90).

Apo ari kukanda shoko rerudo Revai anoonekwa ava kupa Ruramai vimbiso yekuti rudo rwake kwaari rwakakura chaizvo “rwakadzama segungwa chairo” (91). Apo vanenge vava vaviri vega kumba kwaambuya vaRevai, gomana rinogara pachigaro makumbo akanzi twasa kutambarara “semunhu apedza kukohwa” (91).

Revai naRuramai vanotora nguva refu vachidanana chaizvo izvo zvaipisa “semoto” (92). Iye Ruramai uyu sezita rake, ainge akarurama mutsika nemukutarisika izvo zvinonzi “ainge akadonha kubva mudenga”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>