Oda kuripwa nemombe 8 atorerwa ‘girlfriend’

23 Jun, 2023 - 21:06 0 Views
Oda kuripwa nemombe 8 atorerwa ‘girlfriend’ Hosea Nyadombo (kubva kuruboshwe) Nyasha Mabika naKelvin Maponde vari mudare raMambo Makoni

Kwayedza

Lovemore Kadzura

MUDZIMAI wekwaMakoni, kudunhu reManicaland, uyo aive nepamuviri akasiya chikomba chake chemakore maviri achinogara nemuvakidzani wavo.

Izvi zvakabuda mudare raMambo Makoni nguva pfupi yadarika apo Hosea Nyadombo akamhan’arira Kelvin Maponde nyaya yekudanana neshamwarikadzi yake.

Nyadombo aida kuti Maponde amuripe nemombe sere.

“Mudzimai wangu, Nyasha Mabika, akabva pamba achiti ari kuenda kunotsvaga huni asi haana kuzodzoka. Ndakazonzwa nevamwe vemuraini kuti mukadzi wangu ava kugara naMaponde.

“Nyasha aiva nepamuviri pemwedzi mina paakanditiza. Ndakazivisa vatezvara vangu zvakanga zvaitika. Zvisinei, vakaramba kubvunzurudza nyaya yacho.

“Masvondo matatu adarika, Maponde akauya kwandiri achindiudza kuti mwana akanga akatakurwa naMabika akafa pakuzvarwa uye kuti ndimuperekedze kumochari kunogadzirisa mapepa ekuvigwa kwake sezvo ndirini baba vacho.

“Takazeya nyaya iyi, vamwe vakuru vemumusha vakamboedza kuigadzirisa asi zvakashaya basa. Mutumbi wemwana uyu uchiri kumochari yeRusape General Hospital. Tichitarisa zvandakaitirwa naMaponde, ndinoda kuti andibhadhare nemombe sere,” anodaro Nyadombo.

Maponde akabvuma kuti Mabika akanga atova nepamuviri paakauya kuzogara naye achiti akasangana naye kuHarare uye akange asingazive kuti “akaroorwa” naNyadombo.

“Ndakasangana naMabika muHarare munaKurume tikadanana. Aigara nevabereki vake. Ndakamutambira zvisinei nenhumbu yake.

“Akandiudza kuti akanga arambana naye. Ndakanga ndisingazivi kuti aimbova ‘murume wake’ muvakidzani wedu kumusha kwedu. Ini handisati ndabhadhara mari yeroora,” anodaro.

Mabika anotsinhirawo kuti akasangana naNyadombo muHarare.

Anoti akabva kuna Maponde nekuti aigara achimushungurudza.

Zvisinei, dare rakarasa nyaya iyi nekuti pavaviri ava hapana kana mumwe chete akabvisira Mabika roora.

Mambo Makoni vanoti sezvo Mabika asina akamuroora pakati pevarume vaviri ava, Maponde haakwanise kumhan’ara mhosva yehupombwe.

Dare rakapa mutongo wekuti Mabika akasununguka kudanana nemurume waanoda.

“Iyi inyaya yehunzenza yemumusha iri pamberi pedu. Nyadombo akagara naMabika kwemakore maviri asina kubvisa roora. Dare harikwanise kuti uripwe nemombe sere iwe usina kumuroora. Iwe haugone kukohwa kwausina kuisa mari.

“Zvisinei, Mabika inzenza isina nyadzi. Pachivanhu chedu, tinavo vanhukadzi vane hunhu hwakafumuka vanokwanisa kudanana nevarume vavanoda.

“Nyaya iyi inoraswa uye maringe nezvemwana ari kumochari, kana mukaramba muchitsvaga kuti ndiani achamuviga, anovigwa neHurumende,” vanodaro Mambo Makoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>