Okurudzira veruzhinji kuzvichengetedza

30 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
Okurudzira veruzhinji kuzvichengetedza Tawanda Masarira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SHASHA yemadhirama – Tawanda Masarira, uyo anonyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Kahembe Dobi – ari kukurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera matanho akatarwa neHurumende pamwe nesangano reWorld Health Organisation (WHO) ekudzvivirira kupararira kweCovid-19.

Kahembe, uyo achangobva kubura madhirama maviri anoti Friday naTrue Colours, anoti chirwere ichi chadzosera kumashure zvakanyanya chikamu chezvemadhirama.

“Ndinotenda vatsigiri vedu veGold Figure avo vari kumira nesu nekuti kubvira pakatanga chirwere cheCovid-19 munyika muno, hatina kukwanisa kuita mashoo muzvikoro. Saka tinofara kuti nekuderera kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19, mune rimwe remazuva tichange tichidzokera pandima yedu sakare.

“Tinoramba tichikomekedzawo veruzhinji kuti vatevedze zvinotaurwa neHurumende yedu panhau dzekugeza maoko nesipo nemvura kana masanitizers, kupfeka mamasiki nemazvo takavhara mhuno nemuromo uye kuregedza kuungana sezvo zviri izvo zvimwe zvinoita kuti chirwere ichi chitekeshera,” anodaro.

Kahembe anotendawo nerunyararo rwuri munyika muno urwo anoti rwunodadisa.

Anoti kuwana kwakaita Zimbabwe kuzvitonga kuzere kuri kupa mikana kune vemadhirama kuti vaite mabasa avo vakasununguka.

“Isu sevaimbi nevaiti vemadhirama, basa redu rinofamba bedzi munyika ine runyararo yakaita seZimbabwe saka tinotenda mutungamiri wenyika yedu President Emmerson Mnangagwa nekuparidza mharidzo yerunyararo nekubatana,” anodaro.

Puromota wake, Munyaradzi Magopora, anoti makore 42 ekuwana kuzvitonga kuzere kwenyika ino haasi ekutamba sezvo zvichiratidza kuti Zimbabwe ine vanhu vakadzidza uye vanorwira budiriro yavo.

“Ticharamba tichishanda nevaimbi, vemadhirama nevadetembi tichivatsigira kuti mabasa avo abude zvakanaka. Iniwo ndakatanga gore rino kuekita mune mimwe yemitambo yakaitwa nanaKahembe. Dambudziko rekushaya rutsigiro rwezvekushandisa uye mashoo epachena ndiro riri kudzorera vari mumitambo yemhando iyi kumashure.

“Zvekare, chirwere cheCovid-19 ndicho chimwe chakaita kuti vamwe vambomira kutsikisa mabasa avo. Zvekutengesa madhisiki zvakaparadzwa nepairesi uye kunyuka kweruzivo rwechizvino-zvino, nekudaro vazhinji vava kutengesa mabasa avo pamasai-sai eindaneti,” anodaro.

Mitambo yakaburwa naKahembe mumakore apfuura inosanganisira Bhegi Remhosva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey