Ondurirwa kurumwa nekuitirwa madororo neshiri

22 Feb, 2024 - 09:02 0 Views
Ondurirwa kurumwa nekuitirwa madororo neshiri Tawanda Makunya Mazire

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuEpworth – asi kumusha achibva kwaMambo Tangwena, kuNyanga – anoti haana rugare nekuda kweshiri dzerudzi rwekuwe idzo dzinogara dzichimutandanisa nekumundurira kumuruma uye kumuitira madororo.

Tawanda Makunya Mazire (28) anoti baba naamai vake vakarambana zvikazoita kuti anokurira kwaSabhuku Muziti, kudunhu raMambo Makoni, kunova kumusha kwaamai vake.

Anoti akazotamira kuChiweshe uko akazobva nekuda kwekurwiswa neshiri idzi.

Mazire anoti dambudziko iri rakatanga ari kuchikoro apo aingoona shiri idzi dzichimhara pedyo naye pasina kumutya kusvikira dzava kumumhara mumusoro chaimo iye achitiza.

“Dambudziko iri rasvitsa makore anodarika gumi nemashanu ndichingodzingirirwa nekuwe idzi. Ndinongoerekana ndava kudziona dzamhara pamiti iri pedyo neni dzakanditarisa. Nguva zhinji dzinofamba dziri nomwe uye ndikangodzitarisa dzinobva dzabhururuka kunanga kwandiri dzichida kundimhara mumusoro dzotanga kundiruma.”

Mazire anoti shiri idzi padzinomudzingirira dzichimuruma, dzinenge dzichiita ruzha rwekuchema.

“Kana ndiri pamba, shiri idzi dzinouya dzomhara chinhambwe chemamita kana gumi dzakanditarisa. Ndikangoda kusimuka dzinouya dzose dzotanga kundiruma. Kunyangwe kubasa dzinonditevera izvo zvakonzera kuti nditadze kuenda kumabasa sezvo vandinoshandira vakaona izvi vanobva vandidzinga,” anodaro.

Kuwe

Mazire anoti akaedza kudzipotsera nematombo dzinombotaramuka dzichidzoka nenguva pfupi-pfupi.

“Ndakamboshanda nzvimbo dzakasiyana muHarare asi ndakaburitsiswa basa nekuda kweshiri idzi apo dzaisvika dzondikomba dzichindiruma zvaikonzera vamwe vashandi kutiza. Kumusha kuChiweshe ndakatiza shiri idzi ndava kubvunzwa nevakuru veko kuti zvaimbofamba sei.”

Murume uyu anoti akambotiza munyika muno ndokuenda kuBotswana uko akanowana basa asi shiri idzi dzaingomutevera dzichimuruma ikoko.

“Shiri idzi dzakanditevera kuBotswana uko dzaindiruma mazuva ose ndiri pabasa nekumba kudzimara ndakaona zvakakodzera kuti ndidzoke kumusha. Kunze kwekurumwa neshiri idzi, ndine munyama wekuti hapana chandinoita chinofamba. Ndikapfimba musikana handigone kupedza mazuva tisati tarambana.

“Kwandinofamba kungava kun’anga kana kumaporofita vanoti kuroyiwa,” anodaro Mazire.

Kunze kwekurumwa, anoti dzinomuitirawo madororo panguva iyo dzinomutandanisa.

“Shiri idzi hadzina nguva, dzinotanga kubvira mangwanani kuma6 kusvika manheru kuma6. Husiku ndarara hadziuye.

“Nyaya iyi ndakaitaurira vanababa vangu vakanditi zvichapera. Shiri idzi dzinoonekwawo nevamwe vanhu uye ndedzeblue nebrown. Ndatambura, ndinoda kubatsirwa.”

Mazire anoti ari kutadza kuroora nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kushaya vasikana vaanofambidzana navo nekushayawo mari.

Prophet Miracle Paul vechechi yeRevelation Ministries vanoti murume uyu anoona seshiri dzinomudzingirira nyambisirwa zvidhoma.

“Nyaya hombe iripo tinoti ngaabatsirwe nekukasika,” vanodaro Prophet Miracle Paul.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Kanengo, VaJimson Nyasala, vemuHarare vachiti: “Izvi zvidhoma kana kuti tokoloshi, akatadza kubatsirwa nenguva anofa.”

Sekuru Bonface Muponda Katerere vekuUzumba kwaMurehwa vanotiwo murume uyu akashandisirwa mushonga wekutsvaga mari nevehukama.

“Murume uyu ari kushandiswa kutsvagiswa mari nevehukama uye shiri dzaanoona idzi inzira yekuwanikwa mari kunoitwa nevamwe vehukama,” vanodaro Sekuru Katerere.

Share This:

Sponsored Links