Onenerwa kudanana nemudzimai wasahwira

07 Aug, 2023 - 16:08 0 Views
Onenerwa kudanana nemudzimai wasahwira Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME anogara kuMatapi Flats, muguta reHarare, akaendesa sahwira wake kudare reHarare Civil Court achiti ari kumuonesa ndondo achiti anoda kumuuraya achimupomera kuti anodanana nemudzimai wake.

Makayi Mudapakati akaudza dare kuti Aaron Mazivanhanga ari kumushungurudza siku nesikati.

“Murume uyu anouya otanga kurova gonhi neayini yekuchisa mbatya achiita ruzha achiti ndinodanana nemudzimai wake. Ini handidanani nemudzimai wake naizvozvo ndinokumbirawo asandishungurudze,” anodaro Mudapakati.

“Nyaya iripo ndeyekuti amai vake ndisahwira waambuya wangu naizvozvo handina hukama naye, tinogara pedyo nepedyo mudzimba dzemudurikidzwa kuMatapi zvekutoti gonhi rake nderechitatu kubva pane rangu. Anoti anoda kundiuraya saka ndave kutyira upenyu wangu,” anodaro Mudapakati.

Mazivanhanga haana kuuya kudare.

Mutongi Nyasha Marufu vakapa Mudapakati gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey