Opinzwa chikoro nengoma

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views
Opinzwa chikoro nengoma MORRIS Pingaza achiridza ngoma paDombodzvuku svondo rapera. - Mufananidzo: Malven Mugadzikwa

Kwayedza

MORRIS Pingaza achiridza ngoma paDombodzvuku svondo rapera. - Mufananidzo: Malven Mugadzikwa

MORRIS Pingaza achiridza ngoma paDombodzvuku svondo rapera. – Mufananidzo: Malven Mugadzikwa

KAKOMANA kanodzidza pachikoro cheDombodzvuku Primary School kwaMurehwa, ako kanove shasha pakuridza ngoma yeJerusarema, kakazviwanira mukana wekudzidza pachena kwegore rose nekuda kwechipo ichi.

Morris Pingaza, uyo ari kuita Grade 4, anoti akabhadharirwa mari yechikoro nekuda kwechipo chake chekuridza ngoma naVaEliot Somane, avo vanova mumwe wevakuru vesangano reDombodzvuku Old Boys and Girls Association.

Sangano iri chikwata chevakambodzidza pachikoro ichi uye rine chinangwa chekusimudzira dzidzo munharaunda yeDombodzvuku.

Morris anoti anofara nechipo chemari yechikoro yaakapihwa iyi uye zvekuridza ngoma zviri muropa rake.

“Zvekuridza ngoma izvi ndakazvitanga ndichiri mudiki chaizvo, ndakaidzidzira kumba kwasekuru vangu. Ndaimbopota ndichinzvenga kumba ndichienda kunoridza ngoma dzasekuru kusvikira ndava kugona.

“Zvakazowedzerawo apo ndakatanga kuuya kuchikoro ndichidzidziswawo nemudzidzisi wangu. Handina kumbozviziva kuti ndichazosvika pakupihwawo mari yechikoro kwegore rese nekungogona kuridza ngoma chete.

“Ndinofungidzira kuti ndichasvika pakuzoridzira chero nyika chaiyo ndichifadza veruzhinji nekuti chipo changu ndakangozvarwa ndinacho. Ngoma yandinoridza iJerusarema,” akadaro Morris. VaSomane vanoti vakaona chipo chiri muna Morris.

“Izvi hazvidi kubvunzwa izvi, mukomana uyu ane chipo chake. Vana havangouyi kuzoita zvemabhuku chete kuchikoro asi kuratidzawo zvimwe zvipo zvavainazvo. Zvipo izvozvo zvinoda kusimudzirwa nekuti ndizvo zvinozovawanisa mabasa pamwe nemari yekuzvichengeta mangwana.

“Kumupa mari yechikoro kudai kunoitawo zvakare kuti afarire kuramba achiuya kuchikoro achiziva chinangwa chake. Ndinotendawo vepachikoro pano kuti vanopa vana mikana kuti varatidze zvipo zvavo zvakadai zvinoitawo kuti zita rechikoro risimudzirwe,” vakadaro VaSomane.

Musi mumwe chete uyu, Morris akapihwawo mubairo wemari naVaInnocent Kwari (42), vanova sachigaro weOld Boys and and Girls Association, iyo akanzi ashandise zvaanoda.

Morris akaridza ngoma zvinodakadza apo paive negungano rekupihwa kwemibairo kuvana vechikoro.

Kunze kwekudzingirira zvemabhuku, chikoro cheDombodzvuku chinosimudzira zvemitambo netsika uye chichangobva kutora mubairo wepiri mumakwikwi emitambo yechinyakare enyika yose akaitirwa muHarare svondo rapera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey