Oshushira mukadzi mari yefodya

15 Aug, 2023 - 18:08 0 Views
Oshushira mukadzi mari yefodya Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI anogara kuWaterfalls, muguta reHarare, ari kuchema-chema mudare reHarare Civil Court achiti murume wake ane katsika kekumushungurudza pamusaka pekuti haasi kumupa mari yekutenga fodya neyekushandisa munhare yake.

Tina Ndemera anoti murume wake, Elton Ndemera, hapana chaari kumubatsira nacho kuti variritire mhuri yavo.

“Murume wangu anondituka achiti handisi kumupa mari yekuti atenge fodya uye neyekushandisa munharembozha yake kuti agokwanisa kuchaya nhare kwaanoda. Anotokungura kuti kudai abva zvake pamba apa achiti paita nhamo isingaite uye haasi kugona kuchengeta mhuri,” anodaro Tina.

Elton anoti haagone kupikisa zviri kutaurwa nemudzimai wake nekuti anorwara negomarara.

Mutongi Sharon Mashavira vapa Tina gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>