Otsva nekutengesa gasi remukoto

17 Apr, 2023 - 14:04 0 Views
Otsva nekutengesa gasi remukoto ZERA

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUSAZIVA mutemo kunoparira chokwadi. Izvi zvinobuda munyaya yemurume wekuChitungwiza uyo aiita basa rekutengesa gasi rekubikisa zvisiri pamutemo ndokuzobatwa nemhosva mushure mekusungwa nevashandi veZimbabwe Energy Regulatory Authority (ZERA).

Munyaradzi Ngwenya wepanhamba 1997 Nyatsime Road kuSt Mary’s, akazodzidza kuti mitemo yose yenyika inofanira kuzivikanwa uye kutevedzwa apo akaendeswa kudare reChitungwiza Magistrate Courts nemhosva yekutengesa gasi zvisiri pamutemo.

Mutongi Winfilda Tiyatara vakati adzoke kudare munguva pfupi iri kutevera apo achapihwa mutongo uye ari kubvuma mhosva yake.

Akatongwa pasi pechikamu cheSection 29 chemutemo wePetroleum Act Chapter 13:22 (Selling Petroleum Products: namely Liquified Petroleum Gas without a License).

Muchuchisi VaMalvin Mwendera vakaudza dare kuti nemusi wa22 Kurume, mumhan’ari VaTerrence Zizhou vanova compliance officer kuZERA, vaiita basa ravo munharaunda iyi apo vakaita mahwekwe nevashandi vaNgwenya vari mushishi kutengesa gasi panhamba 1997 Nyatsime Road kuSt Mary’s.

Vakavabvunza rezinesi rekuita basa iri, asi vakakundikana kuribudisa.

Zvichifambirana nechikamu cheSection 55 chemutemo wePetroleum Act Chapter 13:22, VaZizhou vakabva vavapa yambiro yekuti vaifanira kuburitsa rezinesi ravo mukati memazuva manomwe zvinova zvavasina kuita kudakara vazoendeswa kumatare edzimhosva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>