Panofa mwana nemavigirwo ake

20 Oct, 2023 - 00:10 0 Views
Panofa mwana nemavigirwo ake Sadunhu Murape

Kwayedza

Kingstone Mapupu

PATSIKA dzechivanhu, pane zvinotevedzwa pakuvigwa kwemwana izvo zvakatosiyana nepanenge pachivigwa munhu mukuru.

Kune tsikawo dzinotevedzwa pakuvigwa kwegavamwedzi, uyo anova mwana anofa pakuzvarwa nguva yake yekubarwa isati yakwana.

Pamusoro pezvo, pane zvinotarisirwa zvekare kuitwa kana makuva evana ava afukunurwa nenhubu nekuda kwezvikonzero zvakasiyana sezvakaitika kwaZimbiru, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava nguva pfupi yadarika.

Makuva evana matanhatu akafuma akafukunurwa, mimwe mitumbi ndokutorwa ikaendwa nayo apo mimwe yakazowanikwa yasiiwa kunze kwemakuva kuDomboshava. Vakaita izvi havasati vazivikanwa.

Chiitiko ichi chaita kuti pamadandemutande pave nehurukuro pamusoro pemavigirwo evana tusvava uye kuti pachivanhu zvinoitwa sei kana makuva acho afukunurwa.

Sadunhu Murape, VaTendai Gilbert Mungate (85), vekuDomboshava vanoti rufu rwevana vachiri tusvava kana kuti pamuviri panoparadzika hapafanirwe kuchemwa, kubata maoko kana kubikwa zvekudya vanhu vachiungana.

“Pamuviri pakaparadzika kana vana tusvava vakafa, tinoti imvura yadeuka. Havafanirwe kuchemwa kana kubatwa maoko uyewo vanhu havafanirwe kuungana kana kubikwa hapabikwe.

“Mitumbi yevana ava hairare mumba sezvinoita zvitunha zvevanhu vakuru, inonovigwa padyo nenzizi kana mubani vachangofa sezvo tichiti imvura,” vanodaro Sadunhu Murape.

Vanoti chinoita kuti vana vavigwe mumapani kana padyo nenzizi kureva kuti havana mhosva, vakangofanana nengirozi nekudaro vanofanirwa kuradzikwa munzvimbo dzinotonherera.

Izvi, vanodaro Sadunhu Murape, zvinoitirwawo kuti vabereki vevana vanenge vafa ava vazokwanisa kuita vamwe vana.

“Mwana akavigwa pachuru kana pakaomarara pasina mvura, zvinokonzera kuoma kwembereko kana kuti hura hwaamai uye musana wababa wooma zvakare. Kureva kuti vabereki ava havazokwanisa kuita vamwe vana,” vanodaro.

Sadunhu Murape vanoti makuva evana anocherwa nechembere dzakaguma kubereka semhiko dzekuti madzimai afirwa vanozogona kuramba vachibata pamwe pamiviri.

Sabhuku Zimbiru

Mashoko avo anotsinhirwa naSabhuku Zimbiru, VaNocodemus Zimbiru (67), vekuDomboshava kwakare.

“Vacheche vakafa kana kuti mudzimai aparadzika pamiviri, vana ava tinovashevedza kuti imvura. Makuva avo anocherwa nechembere dzaguma hura uyewo kunoviga zvitunha zvevana kunoendwa nechembere idzi, baba naamai vacho havaende kumakuva uku.

“Kunotakurwa chete mbatya dzevana ava dziine mbereko iyo inosvikorembedzwa muguva yozodhonzwa kubva paguva iri nehama yemudzimai – angava munin’ina waamai vemwana afa, mukoma kana tete vacho – kusvikira panoperera makuva enzvimbo iyi,” vanodaro Sabhuku Zimbiru.

Vanoti vabereki vemwana afa vakaenda kumakuva uku, zvinokonzera kuti vasazoita mumwe mwana zvakare.

Sadunhu Matsine

Sabhuku Matsine, VaChenjerai Robert Mandigo (62), vanoti kune vamwe vasisatevedza tsika idzi avo vanogumawo vave kuita matambudziko ekutadza kuzobereka zvakare.

“Tinoona mamwe madzimai nanababa vachinodongorera mumakuva evana vavo vachiti vari kuonekana navo asi zvine matambudziko makuru kana vava kuzoda kuita vamwe vana. Sedambudziko ratinaro (kuDomboshava) rekuti mitumbi yevana yakabiwa makuva akasara akavhurika, mumakuva aya munofanirwa kudyarwa mibanana kuti madzimai evana ava azokwanisa kubata pamiviri,” vanodaro Sabhuku Matsine.

Mbuya Kwenda

Mbuya Alice Kwenda (64) vekuLochnvar, muguta reHarare, vanotiwo mitumbi yevana inovigwa yakaradzikwa nerutivi yakatarisa kumabvirazuva kuti vabereki vacho vazokwanisa kuita vamwe vana.

“Mitumbi yevana haivigwe yakataridziswa pasi, mudenga kana kutarisa kumadokero, inovigwa yakataridzwa kumabvirazuva kuti amai vacho nababa vazokwanisa kuita vamwe vana,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Sekuru Rinos Makombe Guri (52) vekwaJacha, kuEpworth, vanoti nzira dzekuvigwa kwemitumbi yevana vadiki dzakakosha zvikuru kudzitevedza.

“Panovigwa mitumbi yevana panofanirwa kutevedza nzira dzechivanhu zvizere kuti pasazova nematambudziko kumhuri dzarasikirwa nevana idzi kana vava kuzoda kubereka vamwe vana. Mangwanani ezuva rinotevera racho mwana avigwa, machembere vanoendawo vachinoona sezvinoitwa makuva evanhu vakuru asi pasina kuuchira nekumutsa vafi,” vanodaro Sekuru Makombe.

Panguva yekuvigwa, vana vanovigwa makuseni izvo zvisingaitwe kana chiri chitunha chemunhu mukuru icho chinorongedzwa masikati.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>