President vopa huku 30m kumaruwa

30 Aug, 2022 - 14:08 0 Views
President vopa huku 30m kumaruwa President Mnangagwa

Kwayedza

George Maponga

MHURI dzinosvika 3 miriyoni dziri kumaruwa kumativi ose enyika dzine mukana wekuvandudza zvekudya zvavo zvinovaka muviri pamwe nekuzviwanira mari pasi pechirongwa chekupihwa huku chePresidential Rural Poultry Scheme icho chakaparurwa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa kuMasvingo svondo rapera.

Ichi chimwe chezvirongwa zvakanangana nekushandura Zimbabwe kuti ive nevanhu vane upenyu hwepamusoro panozosvika gore ra2030.

Chirongwa chePresidential Rural Poultry Scheme chichaita kuti vanhu vanogara kumaruwa musha woga woga vawane hukukwana gumi dzechivanhu mumakore mashanu anotevera senzira yekuderedza hurombo.

President Mnangagwa, avo vakanga vakamiririrwa negurukota rezveminda, kurima, kuchengetwa kwehove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa – Dr Anxious Masuka – pakuparurwa kwechirongwa ichi mubhuku raMusakanda kwaMambo Charumbira, kuMasvingo, vanorumbidza chirongwa ichi icho chinoenderana nemuono weVision 2030 wekusimudzira upfumi hwenyika.

President Mnangagwa vanoti chirongwa ichi chichasimudzira vanhu nenyika kuti ikwanise kuzvitsvagira chikafu uye chichabatsira panyaya yekuti vanhu vawane mabasa.

Chirongwa ichi, icho chinove pasi peLivestock Growth Plan (2021-25), chichavandudza upenyu hwevanhu vanogara kumaruwa kuburikidza nekutsigirwa mukuchengeta zvipfuyo zvakasiyana.

Chikamu chekuchengetwa kwehuku munyika chiri kutarisirwa kukura zvakare kuva bhizimisi rinoendeka.

“Zimbabwe inonzi ine huku dzinodarika 50 miriyoni dzechivanhu. Chirongwa chePresidential Rural Poultry Scheme chine chinangwa chekupa huku dzechivanhu 30 miriyoni kumhuri 3 miriyoni dziri kumaruwa munyika yose.

‘’Vanhu vanotambura, vanhukadzi nemhuri dzinotungamirirwa nevechidiki ndivo vanotarisirwa kubatsirwa zvakanyanya pasi pechirongwa chehuku ichi,” vanodaro.

Huku dzose dzichapihwa vanhu dzakabaiwa majekiseni ekudzidzivirira kuzvirwere uye vachadzidziswa nzira dzakanaka dzekudzichengeta.

Share This:

Sponsored Links