Ronda rekurumwa nekamba roramba kupora

28 Feb, 2024 - 12:02 0 Views
Ronda rekurumwa nekamba roramba kupora VaTinotenda vachitaridza ronda ravanoti vakarumwa nekamba - Mifananidzo naNicholas Bakili

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anoita basa rekukorokoza goridhe wekwaSabhuku Kamutomasi, kwaMambo Chitsungo, kuUzumba, anoti ari kuwora gumbo rekurudyi mushure mekurumwa neshiri nekamba panzvimbo imwe chete apo aiva arere pakati pehusiku.

VaTinotenda Chinake (38), avo vakaroora vaine vana vaviri, vanoti vasvitsa gore vachitambura nemaronda akadzidziuka pachidya chavo mushure mekurumwa nekamba neshiri husiku.

Vanoti semunhu anoita zvekunochera goridhe murwizi rwaMazowe, nemusi wavazorumwa uyu vakataudzana nemumwewo mukorokoza anobva kuMozambique vachida kurwira gomba rekuchera goridhe.

“Nemusi uyu mukupera kwegore radarika, ndakaenda kurwizi Mazowe kunotsvaga goridhe uko ndakanosangana nemumwewo murume anoita basa rekuwonga goridhe uyo anobva kuMozambique. Taiva takanwira doro tose ndokungotanga kupopotedzana nekuda kwegomba remari tichikandirana makobvu nematete.

“Panguva iyi, murume uyu akanditaurira kuti aizopedzerana neni achiti uchazviona. Husiku hwacho, ndipo pandakazoingwa neshiri iyo yakandiruma uyewo nekamba yacho zvinoita kuti ndifungire kuti munhu iyeyu ane chekuita netsekwende yandakapindana nayo iyi,” vanodaro VaChinake.

“Husiku hwemusi uyu ndaiva ndirere mumba pamubhedha nemudzimai wangu nguva dzekuma11 pakati pehusiku, ndakangoita madzikirira ndokurota ndichiona shiri yaiita seyakavharwa musoro ichibva yasvikomhara pamubhedha. Ndisati ndanyatsosvinura, shiri iyi yakandiruma pagumbo ndichibva ndavhunduka ndokutanga kurwadziwa zvikuru.”

Kamba

VaChinake vanoti havana kuona kwakaenda shiri iyi uye pasina nguva vakabva varumwa zvakare nekamba pachidya chimwe chete panzvimbo yavaiva varumwa neshiri iyi, ndokumuka vachichema vakabva vaona vakarumwa nekamba.

“Kamba yaiva yakaruma zviya zvekuramba yakany’udza mazino ayo mukati zvekuti ndaitadza kuibvisa. Hamheno vamwewo vanoti kamba haina mazino asi kwandiri ndaitonzwa kuti mazino akapinda munyama yangu.

“Ndakazoita yekukwachura ikawira pasi pachidya pangu ndokutanga kubuda ropa nekuzvimba gumbo nguva iyoyo,” vanodaro.

VaChinake vanoti panguva imwe chete iyi, vakatanga kunzwa dzungu apo vose nemhuri vakanga vamuka nekutya nekuda kwezvaiitika mumba umu.

“Mudzimai wangu Emma Muzekezeke (21) nevana vaiva vamira mumba nekutya, ini ndokuzotora dhishi ndikavhara kamba iyi kuti ndizoratidza vamwe rechimangwana. Pandakamuka mangwanani ndichivhura dhishi riya, ndakawana kamba iya isimo tikashaya kuti yakabuda sei uyewo kuti yakaendepi.”

Vanoti vakatarisa mumba mose nepanze vakaishaya zvikavavhundutsa.

VaChinake vanoti gumbo ravo pavakarumwa rakabva rachenuruka kuita serakadirwa munyu kana kuti dota nekuda kwemvura yakanga yava kubuda.

“Mangwanani iwayo ndakataurira amai vangu sezvo baba vakashaika nedzimwe hama vanhu vakaungana kuzoona mashura aya. Vehukama vakabva vaunza zano rekuti titange kufamba kutsvaga kuti chii chakaitika izvo ndichiri kungoita nanhasi.

“Mhando yekamba yakandiruma handina kumbobvira ndakaiona, ndakangofungira kuti rudzi rwekamba dzemumvura,” vanodaro VaChinake.

Murume uyu, uyo aimboitawo zvechigadhi kuNorton, anoti akafamba nehama dzake kubva panguva iyoyo kusvikira zvino uye akapedza kutengesa mombe dzake gumi nembiri nehumwewo hupfumi kuti awane mari yekuzvirapisa.

“Ndakaenda kuchipatara cheKaranda uko ndakanogara mwedzi mitatu machiremba akanditi ndaiva negomarara asi maronda acho aisarapika. Ndakapihwa mishonga nemapiritsi akasiyana pasina chakabatsira ndikazobuda ndokutanga kufamba nehama dzangu kumaporofita nekun’anga kukabuda zvakasiyana. Pamwe kunobatwa vehukama kumwe kuchinziwo mumusha mune chikwambo.”

Murume uyu anoti nekupedza kwaaita kutengesa mombe dzose nembudzi, haasisina pekutangira.

VaChinake vanoti nekurwadziwa uko vari kuita, vanoda kuonana nemukorokoza wavakanetsana naye kuti vamukumbire ruregerero kana paine zvavakamuita avaroyonore.

“Mhuri yangu iri kufa nenzara, mombe ndakapedza kutengesa zvose nembudzi nezvimwewo. Basa randaimboita rekuwonga goridhe nechigadhi handichakwanisa kuzviita, ndaigara mazuva ndisina kudya ndakangoguta,” vanodaro VaChinake.

Sekuru Bonface Muponda Katerere vekuUzumba ikoko vanoti VaChinake vanogona kunge vakaroyiwa.

“Murume uyu akaroyiwa nemunhu waaiita basa naye rekushava mari vatukana, akaitirwa mashiripiti uyewo shiri nekamba zvaakaona mifananidzo chete yemishonga yaakatumirwa,” vanodaro Sekuru Katerere.

Vanoti zvinhu zvakamuruma izvi zvakasiya hunye hunoda kubviswa nenyanzvi dzechivanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>