Rudo anogumbuka. . . mufundisi ndokumuudza zvose

29 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 11 (Nyaya yacho; Enderero mberi)

Winnie anodzorera kwaziso ndokuti zvino angatye masikati akadaro. Pane zvaainge achiita chete zvaari kuona nemaziso ake kungoti nzvori nzvori asingamiri panzvimbo imwe chete. Rudo anoramba achiti hapana chaanga achiita apo achingoti ichi bate, chino bate. Winnie ari kufunga kuti otangisa sei kuudza Rudo kuti akanga aona zvose zvaaida kuvanza ndokuzowana mukana apo Rudo anotanga kumutaudza.

Rudo anobvunza Winnie kuti ari kufungeiko. Winnie anobva ati ari kufunga zvaaona Rudo achiita izvo ari kuda kumuvanzira ndokubva amutaurira kuti seshamwari yapamoyo, haafari kana Rudo aine zvimwe zvaaimuvanzira.

Winnie anomuudza zvaanoziva maererano naRudo zvinoti chokutanga ndechokuti zvose zvaanoziva pamusoro pemumwe wevabereki vake anozviziva, chepiri anofanira kunyatsofunga aone munhu akaita kuti zvinhu zviende musango. Chechitatu kuvanza kwaari kuda kuita ndiko kuchamutungamirira muna taisireva, chechina ngaazive kuti Mufundisi Lovedale zvose zvavakaita vakaita nepamusana perudo kwaari. Chechishanu ndechokuti ainge akamudongorera napahwindo zvaainge achirava dhayari raMufundisi saka kana vauya achavaudza zvose zvaanoziva.

Achinzwa izvi, Rudo anoviruka nehasha ndokutanga kupumha Winnie huroyi achimutsvinya ndokumukwatura nembama achimusairira kuti abude pamwe nekumudzinga sembwa. Winnie anobuda zvake oenda aona kuti Rudo ava kupenga ndokubva aona kuti kutaura naye imwe nguva zvingayamure.

Mufundisi Lovedale vanozouya, Winnie ndokuvataurira zvose zvaakanga aona. Kwapera mazuva matatu okusawadzana, vachiitira kuti moyo wake umbonyatsogadzikana, vanozotaura naye vachimutsanangurira kumitiswa kwaamai vake, mafiro avo nekuuya kwavo paMharapara, kumurera kwavakaita nekumukumbira kuti arege kusiyana naWinnie sezvo vainge vari ivo vainge vamutuma kuti amuongorore.

Mashoko aMufundisi Lovedale anotonhodza Rudo moyo ndokukanganwira Winnie pamwepo nekukanganwira Mufundisi Lovedale nekunonoka kwavakaita kumutaurira zvakanga zvaitika. Anozozvipira kuterera zvakanyorwa naamai vake mutsamba zvekuti anyengwe nemunhu ava mukuru ari wechiKristo. Kubvira musi uyu mufananidzo wake unogara uri pane waamai vake vakafanana mune zvose.

ONGORORO:

Chokwadi Rudo anoviruka nehasha anzwa Winnie achiti zvose zvaainge achiita ainge azviona. Mazwi anobuda mukanwa make ndiwo anoratidza kuti ainge ashatirwa zvechokwadi. Anotanga kumupumha huroyi kwozobuda mazwi anoti, “asi kutoti zvidhoma zvako ndizvo zvinoswera zvakakomba imba ino” (52) otizve, “ndati zvidhoma zvako zviri kuswera zvakandirinda zvichindipa mamhepo” (52).

Kutsvinya kunosanganiswawo mukuviruka nehasha uku. Zvinonzi naye achitsvinya, “Ndirege zvangu, ndiri ndokuvara maoko nokurova tugodo chete” (52) oti zvakare, “Enda undojuruja majuru nokutanha chirevereve nomubvunzandadya. Nhasi mungaswera nenzara”. Anoshandisa mutauro wakasimba sowokuti, “shut up! (51). Hamba! Get out!” (52).

Kudimikira kunoitwa kunobva kwasimbisawo kuviruka nehasha uku pazvinodimikirwa zvichinzi “kwakange kuri kunayisa mbama padama raWinnie . . .” (52). Mazwi anonongodzera musoro webhuku iri tinosanganazve nawo zvakare paPeji 50 ne51.

Enzaniso dzinoshandiswa kuti tione maitikiro ezvinhu paanosvikira Rudo ari kuverenga dhayari raMufundisi Lovedale anoziva kuti Rudo pane zvaari kuvanza nekuti meso ake ari kungoti nzvekesu nzvekesu “segororo” (50). Pavasikana vaviri ava panomboita kanguva korunyararo “sezvinonzi vose vakanga vaita zvimumumu panguva imwe chete” (50).

Iyewo Rudo wacho anoonekwa ava kuti chino bate bate, icho bate bate “somunhu asingazivi chakanaka” (50). Anzwa zvataurwa naWinnie, Rudo anoviruka nehasha munhu ndokuonekwa ava kufemera pamusoro “sedafi” (51). Winnie ainge azvitsaura achizviburitsa muvanhu achiti vaiva vetsvina “sehochi” (52).

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>