Rudo anozoenda Gweru kumurume

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 18 (Nyaya yacho: Enderero mberi)

Mufundisi Lovedale vanobvunza Rudo kuti ko kuzopfeka zibhachi kudaro iko kunze kuri kudhogodha kupisa ndihwo ukomba here, iye ndokupindura achiti hapana hapo chaainge akaripfekera. Vanomuti adii kuribvisa zvaari kuchururuka ziya iye ndokuti ngavarege zvake akadaro, haasi kunzwa kutsva.

Mufundisi Lovedale ndipo pavanobva vanyanyisa kunyumwa ndokutsvaga mazano okuti vasvike panyaya yavaida kubata chokwadi chayo.

Rebina anobva apinda nezvekudya. Musi uyu Rudo akaita seachatadza kumedza kana huro imwe chete zvayo. Mufundisi Lovedale vanomutaurira kuti mazuva iwayo havasi kunyatso kuona kufara kwaRudo iye ndokuti ko inga ari kufara wani, pamwe ari kufunga bvunzo dzavo dzavasati vadudzirwa.

Rebina anoda kupindira achiti pamwe ari kufungawo mukomana wake, asati apedza muromo uyu anobva anzi anyarare ipapo achimutuka. Mufundisi Lovedale vanobva vati ngaabve ataura zvake zvaanoziva.

Ave kuda kutaura, Rudo anoti ava kuenda kunorara. Rebina ndokubva aenderera mberi achiti Rudo pamuviri ndepemukomana wake ari Gweru. Rudo anobva atanga kumutukirira.

Rebina apedza kutaura panomboita karunyararo Mufundisi Lovedale ndokuzobvunza Rudo kuti zvino ainge achifunga kuita sei iye ndokuti anoda kuenda kumurume wake muGweru makare. Vanosimuka ndokuenda kuhofisi yavo.

Mangwana acho Rudo anofumorongedza nhumbi dzake achingosvimha misodzi muzibhokisi rake ndokupfeka hembe ine tunyerekete tutsvuku netuchena. Anopetura vhudzi rake ndokutora mufananidzo wake newaamai vake ndokuzviisa mubhokisi riya.

Rebina ndipo paanobva apinda ane dhishi remvura. Mapindurirwo aanoitwa naRudo anoratidza kuti angarohwe nekudaro anonyarara ndokuzomutaurira kuti Mufundisi Lovedale vari kumuda.

Rudo anosara ombogara pamubhedha pake achichema kuti shungu dzake dzimboserera asati aenda kunoona Mufundisi Lovedale. Paanosvika, vanomutaurira kuti vanga vaine shungu dzekuti dai awanikwa muchiedza chechiKristu. Hapana asingatadzi, kana awana kumberi kusina kunaka ngaadzoke. Vanoda kuonekana naye nemashoko ekumurayira.

Vapedza kutaura, anodzokera kumba kwake kunorongedza, Mufundisi Lovedale vachigadzirira-gadzirira motokari yavo. Rebina apo anovaudza kuti Rudo anyarara kuchema, vanombopinda mumba kunomutaurira zvavaida kuti azoita kana ava kuenda.

Apedza kurongedza, Mufundisi naRebina vanoenda naye kunokwirirwa mabhazi.

Rebina anochema chinyararire ari muchigaro chemumashure chemotokari apo inosimuka kubva pamusha izvo zvinoita kuti Rudo paanozviona abve atanga kuzvishora nepepfungwa yaaive nayo pamusoro paRebina izvo zvinoita kuti iyewo atangise kuchema. Mufundisi Lovedale semunhu wemurume, vanombopukuta-pukuta maziso avo nehengechepfu ruviri norutatu.

Rebina naRudo vanokumbirana kanganwiro, vakakanganwirana. Bhazi parinosvika, Mufundisi vanoita kamunamato kokukumbira Mwari kuti atungamirire Rudo kwaaienda.

ONGORORO:

Rudo anoda kumboedza kuvharidzira kuti zvisaonekwe kuti ane nhumbu asi, rine manyanga hariputirwe nemushunje. Manyorero anoita munyoro kuratidza kukura kwakaita nhumbu yaRudo anoti kusanganisa pfekedzaunhu nekudimikira izvo zvinobva zvanyatsa kuita kuti tione kukura kwayo.

Tinotanga kusangana nepfekedzaunhu (personification) apo zvinonzi, “wakangopfuudzawo kuvakuru vavo kuti vaitongewo.

Mwedzi wechina ndiwo wakazoti pandiri hapachapfuurwi. Dumbu rake ndipo parakatanga kumumhan’arira kuvanhu ropoya mumazibhandi marakanga rakambambaridzwa” (83).

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>