Ruzhinji rworumbidza ‘Operation Chenesa Harare’

31 Jan, 2024 - 18:01 0 Views
Ruzhinji rworumbidza ‘Operation Chenesa Harare’ Mary Kajuni

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kurumbidza chirongwa chiri kuitwa neHurumende nemamwe mapoka chekuchenesa guta reHarare nenzvimbo dzinogara veruzhinji vachiti chinobatsira zvakanyanya mukudzivirira zvirwere zvemanyoka zvinosanganisira cholera.

Hurumende yakauya nechirongwa che”Operation Chenesa Harare” mushure mekukundikana kwekanzuru yeguta iri kutakura marara panguva iyo chirwere checholera chiri kupararira.

Brenda Musabayana – uyo anotengesa muriwo, magogoya kana kuti madhumbe nemabanana kumusika weMbare izvo anobva nazvo kuHonde Valley, kudunhu reManicaland – anopembedza danho rakatorwa neHurumende iri achiti;

“Tanga toshaya makasitoma nenhau yehuchapa hwange hwava muno muMbare apo nhunzi, hutunga nehwema kwemarara zvaisava zvenhamo, nokudaro vamwe vatengi vaigona kunge vachifarira chikafu chatinotengesa, zvikuru semagogoya, asi vaiti vakangoona huyanga hwemuno, vaibva vasiya voenda kunotenga kuzvitoro. Hataivashora nekuti iwo marara ndiwo ari kuunza zvirwere zvemanyoka saka iko zvino tava kutambira makasitoma akawanda kana tichienzanisa nenguva yataive nemarara,” anodaro.

VaChenjerai Makove, avo vanoita mabasa ekutakurira varimi miriwo nemichero iyo vanotengesa mumusika, vanoti marara aitotadzisa marori avo kuti apinde mumusika.

“Taiti kana zviya tichiuya nevarimi kumisika, motokari dzedu dzainyura mumarara nekuti anenge achisangana nemvura achiora. Saka taikundikana kusvika pamisika yavo nezvinhu tovasiira kure vozopedzisa vega nekutsiga mumusoro kana kutakurisa nengoro zvaiita kuti varimi vadhurirwe,” vanodaro.

Mai Mary Kajuni, avo vanotengesa zvirimwa zvavo mumusika weMbare, vanoti zvinorwadza kuti vanobhadhara mari yemutero kukanzuru asi marara asingatakurwe.

“Marara aiva pano aive nemakore anodarika maviri asingatakurwe nekuda kwehuwori huri mukanzuru nekuti vanoita zvekomisheni yekuti abvisa mari yemumaoko kwavari kwete yekuhofisi ndiye anobvisirwa marara paanoshandira. Dai Hurumende yapindira pahuwori uhwu vasunda vashandi vekanzuru kuti vaite basa ravo nemazvo nekuti kune zvirwere zvakawanda zviri kuunzwa nemarara iwaya,” vanodaro.

Baba Tatenda

Dickson Kasu kana kuti Baba Tatenda anoti Hurumende yakaita basa guru apo yakaunza magiredha nematipper ichichenesa nharaunda yavanotengesera.

“Marara aive pano vanhu vaitokwira nemanera kuti ange achipinda mubhini nekuti ange ava nemakore maviri nechidimbu asiri kutakurwa uye tarisiro pange pasisina,” vanodaro.

VaPatience Munetsi vanova sachigaro wevanotengesa zvinhu kuMbare Musika vanoti kanzuru yeHarare inofanirwa kuita basa rayo nemazvo.

“Kanzuru haina hanya nekuita basa rayo kunyangwe vagari vachibvisa mitero yose inodiwa, vanongoramba vachiturikidza zvichemo. Marara aya anga ava nemakore maviri nechidimbu kureva kuti kune vanhu vaitotambiriswa mari yemahara pasina basa ravaiita hunova hwatinoti humbavha kwakasangana nehuwori,” vanodaro.

VaStanely Gama

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaStanely Gama, vanoti ibasa rekanzuru kubvisa marara munharaunda uye kana paine vari kubvisiswa mimwe miripo yechiokomuhomwe nevashandi vavo imhosva.

“Tine mapurisa ekanzuru anotenderera achiita basa iroro rekuona kuti nyaya dzehuwori dziri kuitika papi uye dzichiitwa nani. Kana vanhu vari kubhadhara mari dzavo dzemitero kumahofisi ekanzuru, ndidzo bedzi dzinoshanda kuti vange vachibvisirwa marara. Hakuna dzimwe mari dzepamusoro dzavanozobhadhara kuti nharaunda dzavo dzinge dzichicheneswa nekuti hunetenge hwatova huwori.

“Hazvibatsiri kuti vanhu vanoona huwori huchiitika vobva vanyarara uye kana marara asiri kutakurwa vanofanira kuzivisa vekumahofisi edu. Kana zvehuwori zvichinge zvaitika, mhan’arai kumapurisa edu kana eZimbabwe Republic Police nekuti imhosva,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>