Sangano rosimudzira madzimai

20 Nov, 2023 - 16:11 0 Views
Sangano rosimudzira madzimai Dr Sokani (vechina kubva kuruboshwe) naDr Nomhle Mliswa (vechitatu kubva kuruboshwe) vachiona zvimwe zvezvinhu zvinogadzirwa nemadzimai esangano reToday’s Women of Trafalgar (TWT) kuNorton.

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

SANGANO remadzimai reToday’s Women of Trafalgar (TWT) rekuNorton rakaparura chirongwa chekusimudzira mabasa emaoko nedonzvo rekuraramisa mhuri dzavo.

Vachitaura nguva pfupi yadarika, Mai Sibongile Sokani, avo vanova director weTWT, vanoti sangano ravo rakatanga riri burial society mushure mukuona kuti vazhinji vavo vaitambudzika pakuviga hama dzavo pamusaka pekushaiwa mari.

“Tine mudzimai akafirwa nemudiwa wake asina kana pekutangira saka semadzimai takaumba homwe yedu tikamubatsira. Tapedza kudaro, ndipo patakafunga kuti tichisimudzira homwe yedu igare iine mari yekubatsira vamwe,” vanodaro Mai Sokani.

“Kubudikidza nehomwe iyi, takatanga kuchengeta huku, nguruve, kusona, kugadzira sipo nekuumba hari izvo zvakaona homwe yedu ikatanga kukura. Tazogara pasi tikawirirana semadzimai kuti tiumbe sangano iri tonyoresa zviri pamutemo kuti zvinhu zvedu zvinge zviri mugwara rakanaka ndokusaka maona taungana nhasi kuti tiparure sangano redu iri,” vanodaro.

Pari zvino sangano iri rine nhengo dzinosika 70.

Muenzi mukuru pagungano iri, Dr Nomhle Mliswa, vakakurudzira madzimai kuti vasagarire maoko asi kuti vashande nesimba kuti mhuri dzisafe nenzara.

“Ndine mufaro mukuru nekubudirira kwaita ungano iyi, yakatanga iri burial society asi ratove sangano guru rekusimudzira madzimai, vanasikana nevakaremara kuti vabudirire nemabasa emaoko avari kudzidzisana,” vanodaro Dr Mliswa.

“Ngatibatsiranei kushandura nyika yedu uye kubvisa tsika dzisina kunaka dzemagariro apo vakadzi nevasikana kare vaidzvanyirirwa nenzira dzakasiyana.

“Kukura kwesangano iri kuchaita kuti madzimai mazhinji asimudzirwe nekugara zvakanaka nemhuri dzavo. Vane nzeve dzokunzwa vanzwa, ngatibatsiranei mukutsigirana nekudzidzisana kuti tose tigobudirira,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links