Sapurazi apondwa nevashandi vake . . . mutumbi ndokukandwa mumugodhi

04 Jan, 2023 - 16:01 0 Views
Sapurazi apondwa nevashandi vake . . . mutumbi ndokukandwa mumugodhi Vanhu vachibatsirana nemapurisa kufukunura mutumbi waDr Geneva Sibanda mumugodhi mawaive wakandwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MURIMI ane mukurumbira wekudunhu reMatabeleland North anonzi akapondwa nemusi weChipiri svondo radarika nemufudzi wake wemombe achibatsirana nemudzimai wake uyo aishandawo papurazi rimwe chete iri vachiita zvekumutema-tema nedemo, ndokuzodhonza mutumbi wake nemotokari yake vakanoukanda mumugodhi usisashandiswe.

Dr Geneva Sibanda, avo vaizivikanwa zvikuru kumapurazi eRobert Block kunzvimbo yeQueens iri kuBubi mumugwagwa weBulawayo-Nkayi Highway, ndivo vakapondwa uye vaivawo sachigaro wesangano revarimi reThe Big Time Agricultural Farmers’ Association.

Zvinonzi Baron Chiguru (28) wekuShurugwi nemudzimai wake, Sheila Ndlovu, anobva kuNyamandlovu, mushure mekuuraya Dr Sibanda nekuvamutema-tema, vakabva vaenda kunokanda mutumbi wavo mumugodhi.

Vaviri ava vakazoba midziyo inosanganisira pfuti diki mbiri, shotgun nepistol, vakatakura nemotokari yemufi uyu ndokutyaira kuenda nazvo kuBulawayo uko vakanohwanda kumba kweshamwari yavo.

Vaiva nemwana wavo mukomana ane makore maviri okuberekwa.

Chiguru aishanda basa rekufudza mombe uyewo mudzimai wake Ndlovu ari mushandi wemumba waDr Sibanda.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North, Inspector Glory Banda, vanotsinhira nyaya iyi vachiti runyerekupe rwakazobuda apo shamwari yavo yakaona pfuti mumotokari, ndokumhan’ara kumapurisa.

Inspector Glory Banda

“Dr Geneva Sibanda vasati vapondwa, vanonzi vakataurira vashandi vose kuti vaiva nefungidziro huru yekuti paiva nevamwe vanhu vaitengesa huni nemiti zviri kunze kwemutemo kubva mupurazi mavo vachibva vakumbira vaviri ava kuti vaende navo kunobatsira kuongororwa kwenyaya iyi. Zvinonzi panguva iyi apo vaiongorora nyaya yekutemwa kwemiti, mumwe wevashandi ava akabva atema Dr Sibanda nedemo mumusoro kaviri ndokubva vafa.

“Vakabva vashandisa motokari yaDr Sibanda kutakura mutumbi wavo kuenda kunoukanda mumugodhi wezvicherwa usisashandiswe,” vanodaro Insp Banda.

Vanhu vachibatsirana nemapurisa kufukunura mutumbi waDr Geneva Sibanda mumugodhi mawaive wakandwa

Vanoti apo vaviri ava vanonzi vakapedza kuita humhondi uhwu, vakazoenda kumba kwemushakabvu uyu, ndokunoba midziyo yakasiyana ndokuitakura nemotokari yake kuenda nayo kuBulawayo kumba kweshamwari yavo.

“Zvichakadaro, shamwari yavo iyi yakava nekufungira kuti pane chakaipa chaiva chaitwa nevaviri ava apo akaona pfuti diki mbiri dziri mumotokari yavaiva nayo iyi. Akabva anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa, matikitivha eCriminal Investigations Department (CID) Homicide ekuBulawayo vachibva vasunga vaviri ava.

“Panguva yekubvunzurudzwa, vakazodura kuti vaiva vaponda murume uyu vachibva vanokanda mutumbi wake mumugodhi.

“Hazvisati zvabuda pachena kuti chinangwa chavo chekuuraya murume uyu chaiva chei sezvo vaviri ava vachiri kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi,” vanodaro Insp Banda.

“Semapurisa, tinoyambira nekukurudzira veruzhinji kuti varemekedze upenyu hwevanhu, tosiyana nenyaya dzinoguma vanhu vapondana zvinosuwisa kudai.”

Pakashanyirwa purazi iri nevatori venhau, vanhu vemunzvimbo iyi vakawanikwa vakasuwa zvikuru nekuda kwenyaya iyi.

Mapurisa aisanganisira matikitivha, avo vaiva vakatungamirirwa nevasungwa vaviri ava, vakazoenda pamugodhi paive pakandwa mutumbi waDr Sibanda umo wakazoburitswa.

Mutumbi wainge wakafushirwa nejecha

Pakuburitswa kwemutumbi uyu, zvakaonekwa kuti vaviri ava vakanga vaufushira nejecha, ndokuzokanda tayi remotokari, matehwe emombe nemosquito net pamusoro izvo zvose zvakaburitswa nemapurisa.

Mushure mekutora nguva inoita maawa matatu vachifukunura nzvimbo iyi, mutumnbi uyu wakazokwaniswa kuburitswa kunze uye wakange watotanga kuwora.

Matikitivha vakazotora vaviri ava vachitaridza mapondero ose avanonzi vakaita Dr Sibanda

Share This:

Sponsored Links