Sekuru (70) vabhinya muzukuru (10)

25 Jul, 2022 - 15:07 0 Views
Sekuru (70) vabhinya muzukuru (10) Insp Chazovachii

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HARAHWA ine makore 70 okuberekwa inogara kwaMambo Nyamukoho, kuMudzi iri kupomerwa kubata chibharo muzukuru wayo ane makore 10.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa9 Chikunguru nenguva dza7 husiku apo mudzimai weharahwa iyi akange asipo pamba.

“Sekuru ava vakatora mukana wekuti mudzimai wavo ainge asipo apo mwana uyu akaenda kunorara nehanzvadzi yake yemakore mashanu okuberekwa kuimba yavo yekurara. Sekuru ava vanonzi vakazovhura gonhi remumba maive murere vana ava nechisimba ndokubata mwana uyu chibharo kamwe chete.

“Vanonzi vakamuvhundutsira kuti asawane waanotaurira vachiti vaigona kumuuraya,” vanodaro Insp Chazovachii.

Nemusi wa16 Chikunguru, mwana uyu anonzi akazoita chivindi ndokutaurira ambuya vake avo vakazozivisawo vamwe vanhu vachibva vaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuNyamapanda zvikaita kuti sekuru ava vasungwe.

“Sekuru ava vakachengetedzwa nemapurisa vachimirira kuenda kumatare edzimhosva apo mwana uyu akaendeswa kuchipatara cheKotwa uko akanoongororwa akaonekwa kuti aiva ashinhwa naye,” vanodaro Insp Chazovachii.

Mune imwewo nyaya inofambirana neiyi, mwanasikana wemakore masere anonzi akabatwa chibharo nemukomana ane makore 16 munzvimbo imwe chete iyi.

“Mukomana uyu anonzi paakasangana nemwana uyu akatanga kumurova ndokuzomudhonzera musango umo akanomubata chibharo kamwe chete. Anonzi aimuvhundutsira kuti asaridze mhere. Mukomana uyu akazoonekwa nemumwe murume wemunzvimbo iyi achibva atiza,” vanodaro Insp Chazovachii.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuKotwa uye mapurisa vari kutsvaga mukomana ari kupomerwa mhosva yekubata mwana uyu chibharo.

“Kune vanoziva kune mukomana uyu ngavazivise mapurisa ose-ose. Tinokurudzira vanhu kuti vamhan’are nyaya dzechibharo nekukasika uyewo nekuti vanasikana vasavimbe nevanhu vechirume, vangava hama, vavakidzani, murume upi zvake sezvo vachityisa munyaya dzechibharo, kunyangwe baba chaivo vekubereka,” vanodaro Insp Chazovachii.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>