‘Steak’ yemunhu inonaka: Muroyi

30 Jan, 2023 - 10:01 0 Views
‘Steak’ yemunhu inonaka: Muroyi Kudzayi Ngwarati

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaMambo Chipuriro, kwaMudhindo, kuGuruve, ari kubuda pachena kuti muroyi anoshura mare uye aneta nazvo zvekuti haachada mabasa erima aya sezvo zvava kukonzera kusawirirana nemudzimai wake, vana nedzimwe hama.

VaKudzayi Ngwarati (56), avo vanogara mumusha weWhitecliffe, muguta reHarare, vanoti vakapinzwa mukudya nyama dzevanhu ivo vasingazive nemumwe mukadzi anova muvakidzani wavo.

Asi vanoti “zvinombofaya” sezvo vachinyanyonakirwa ne”fresh steak” yemunhu.

Murume uyu anoti akatanga achiita zvekurota achitorwa nemukadzi uyu nevamwe vachienda kumakuva nekwavainoroya.

Mai Ivy Muvezwa

“Ini ndiri muroyi mukuru, ndini ndinovhuriswa makuva kwese kwatinoenda uyewo kwatinoenda nevamwe vangu varoyi tinokwira murusero takawanda zvekutosvika vanhu gumi kana kudarika. Asi vanotyaira rusero urwu ndimai vari pedyo nesu, ivavo ishasha vanorumhanyisa,” vanodaro VaNgwarati.

Vanoti vanobatwa neshavi zvekuti zvizhinji zvavanoita pakuroya vanenge vasingazvizive.

“Huroyi unobatwa neshavi wotobuda mumba usingazive sezvandinoita ini. Asi sevaroyi vechirume nevechidzimai, tinoshinha toga uye hazvina mhosva kuti munhu akaroorwa kana kuroora.

“Seni, ndinoshereketa nemadzimai mazhinji kusanganisira naamai vatinoenda navo avo vagere pedyo nesu,” vanodaro.

VaNgwarati vanoti nyaya yekuti vanoroya yakazofumurwa navadzimai vavo, Mai Ivy Muvezwa (56), mushure mekunge vaona zvinhu zvisinganzwisisike mumba mavo.

“Tine vamwe varoyi vedu vakauraya mwana ndokuzotevera kwaakanovigirwa mutumbi wemwana uyu kuMacheke kubva kuWhitecliffe. Takatora masekonzi tiri murusero rwuchityairwa nemudzimai wandataura uyu.

“Tasvikako, takavhura guva ndokutanga zvedu kudya nyama yechitunha chemwana uyu, taiita zvemabvubvu sezvinoita makunguwo kana achidya nyama. Ini ndinofarira nyama isina mabhonzo yemunyepfu kana kuti ‘steak’ yemunhu.”

VaNgwarati vanoti pavakapedza, vakakwira rusero vachibva vadzoka kuHarare nenguva diki.

Vanoti mutumbi wemwana wavakanodya kuMacheke uyu aiva afira kuSouth Africa aita zvekuroiwa naamai vake.

Anonzi akafa mushure mekuny’ura mumvura apo vaibata hove nevamwe, mutumbi wake uchibva wazonovigwa kuMacheke.

“Ini ndiri shasha yekuisa zvipotswa muvanhu, changu hachipotsi, unoenda chete. Ndini ndinopihwa mishonga nevamwe varoyi,” anodaro murume uyu.

Anoti vanopinda mumvura nevamwe vake vachinoita mabasa ehuroyi.

“Handichada zvangu zvekuroya, ngavachindirumura vandisiye, ndava kutadza kuwirirana nemhuri yangu nenyaya yekuroya. Iyo nyama yemunhu hainake, yakashapa, ndinoshaya kuti tinoidirei nekuti haigone kuienzaniswa neyemombe kana yehuku.

“Rimwe dambudziko randinaro riri pakuti ndinoita zvegondwawaturuka kuvanhukadzi asi handichada zvekubata-bata. Ndaguta uye ndaneta.

“Fungai kuti mumba mangu maisabvumidzwa kubata mari husiku nekuti zvinofumura mabasa evaroyi.”

VaNgwarati vanoti dambudziko rakazovapo rekuti vakaenda pabonde nemudzimai wavo aidzidziuka kusikarudzi kwake zvikazovapa kuti vaende kuzvipatara asi kukashaikwa chirwere.

“Vadzimai nemhuri vakazofamba vakabata kuti ini ndiri muroyi uye ndinokuvadza mudzimai wangu nevana. Handizvirambe kana nanhasi nekuti ndinoda kubatsirwa,” vanodaro.

Murume uyu anoti vanokweva ropa rezvitunha nevamwe vake iro vanochengetera mumapako vazonwa panguva yavanowirirana nezvikwata zvavo.

“Tine ropa ratinotora muzvitunha ratinochengeta kumapako iro tinonwa mumazuva atinowirirana. Rimwe dambudziko ravapo nderekuti ndanga ndava kurwarisa mudzimai wangu kuti afe sezvo chijana chekuuraya chasvika kwandiri nekuti ndakadyawo nyama yehama dzevamwe varoyi. Dai pasina vadzimai vakazvibata, hapana aimbozviziva kuti ndinoroya, vaitofa.”

VaNgwarati vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekubata-bata mishonga yakaipa.

“Veduwe musatsvage mishonga ingava yekupfuma kana kuita zvimwe zvinhu inopanduka, zvikuru musatambire mapini kana ringi chaidzo kubva kuvanhu vamusingazive. Ngatiraramei upenyu hwakanaka, mishonga chaiyo yekuita mhanza siyanai nayo,” vanodaro.

Mai Muvezwa vanoti pamba pavo pane masaramusi anoitika akawanda zvikuru.

“Baba vakanga vasisandide kuti tirare tose, tikangorara tose ndaidziuka maronda ndikambofunga kuti chirwere chepabonde. Pamba pedu pane miremwaremwa inotiruma tichitotiza uye mabutterflies chaiwo anoruma vanhu.

“Baba ndinovaonawo husiku vachiuya vachida kuita mabasa avo ehuroyi. Takazofamba tikadzoka tichivataurira uko takavaona pagirazi tikazoenda navo vakazvionera, vakazobvuma kuti muSatanist,” vanodaro Mai Muvezwa.

Vanoti vanoona murume wavo achivaisa zvinhu mumazino avo husiku zvinoguma zvakonzera kuti mazino aya aguke nekurwadza.

“Shavi ravo rikavabata, ndinosara ndiri mumba ndoga ndinozovaona mangwanani kuma3 apo vanodzoka vachida kundipedzisa. Ndakanzi ini chijana chava chavo, vanoda kuti vadye nyama yangu ini.

“Takaroorana mugore ra1988 tikaita vana vedu vatatu, zvekuroya izvi zvakazotanga manje-manje,” vanodaro adzimai ava.

Vanoti vaimbofunga kuti murume wavo anoita zvechipfambi ndokuzoona kuti wavaibata aiva shamwarikadzi yavo yavanoroya nayo.

Share This:

Sponsored Links