Ticha atora ropa revana

17 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
Ticha atora ropa revana Sirinji ine ropa

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

ZVINHU zvakaita manyama amire nerongo paKushinga Primary School iri kwaOdzi nemusi weMuvhuro apo vabereki vaida kuita kanyama-kanyama mukuru wechikoro ichi zvichitevera kupomerwa kwaari kuitwa kuti ari kushanda pamwe chete nemumwe mudzidzisi uyo akasungwa nemhosva yekutora ropa revana veGrade 1 nezvikonzero zvisingazivikanwe.

Mukuru wechikoro ichi, VaLloyd Kagurabadza nemhuri yavo vakaburitswa nechisimba kubva pachikoro ichi nevabereki vaive vakatsamwa vakavasiya chinhambwe chekiromita ndokuvaraira zvakasimba kuti vasambotsika pachikoro ichi zvakare.

Mapurisa akatozopindira akadzikamisa mamiriro ezvinhu pachikoro ichi. Vabereki ava vakazoridzira nhare kumahofisi ebazi redzidzo yepuraimari nesekondari vachida kuti VaKagurabadza vabviswe pachikoro ichi.
Mudzidzisi ari pakati pemakakatanwa aya, Gaynor Mudimu (32), anonzi akatora ropa revadzidzi vaviri.
Anonzi akaedza kuti vasaburitse nyaya iyi nekuvapa nebhisikiti mumwe nemumwe wavo.

Mudimu akatomiswa mudare reMutare Magistrates Court pamberi pemutongi VaLangton Carter nemhosva yekutyora chikamu cheSection 19 (1) (a) chemutemo weAnatomical Donations and Post-mortem Act, Chapter 15:01.
Asi ari kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi achiti akangotora ropa revana vaviri ava achida kuvavheneka chirwere chemalaria.

VaEdward Shumba

Mudimu anoti: “Mambo wangu, ndaingovaongorora kuti havana malaria here. Ndakanga ndisina zvimwe zvinangwa. Ndaifanira kuvaongorora kuti havana malaria here sezvo vairatidza kurwara.”

Mudimu akanzi agare muhusungwa kusvika musi wa23 Gunyana kuti azotongwa.
Muchuchisi VaThurstone Mubvumbi vakaudza dare kuti nemusi wa6 Gunyana, Mudimu anonzi akakumbira vadzidzi vake veGrade 1 kuti vaongororwe malaria.

Mumwe wevana vechikoro akabvumirana nazvo ndokubva Mudimu abuda naye mukirasi ndokunanga kumba kwake.

Akatora ropa pachigunwe chidiki chemwana uyu achishandisa syringe ndokumupa bhisikiti rimwe chete semuripo.
“Zvisinei, mwana wacho paakasvika kumba, akaudza vabereki vake zvakanga zvaitika. Vabereki vemwana uyu vakamhan’ara nyaya iyi kumutevedzeri wemukuru wechikoro, Mai Estella Manjeese, nyaya iyi isati yaendeswa kumapurisa,” vanodaro VaMubvumbi.

Nemusi wa6 Gunyana, Mudimu anonzi akakumbira zvakare vadzidzi vake kuti vaongororwe malaria. Mumwe wevana vechikoro akabvumirana nazvo, Mudimu akabva abuda naye mukirasi ndokunanga kumba kwake.
Akatora ropa pachigunwe chidiki zvakare chemwana uyu achishandisa syringe ndokuzomupa bhisikiti rimwe chete semuripo.

“Mudimu akatora ropa revana vaviri ava zvisiri pamutemo uye nemaune apo ainyatsoziva kuti pamutemo haana mvumo yekuita izvi,” vanodaro VaMubvumbi.

Masyringe eropa revana ava rakatorwa naMudimu haana kuwanikwa mukuferefetwa kwakaitwa nyaya iyi nemapurisa.

Mukuru wedzidzo kuManicaland, VaEdward Shumba vanotsinhira kuti vakatambira mashoko ari pamusoro pekusagadzikana kwepachikoro apa.

Vanoti vakamirira kuti mutemo utore gwara rawo vasati vaona kuti nyaya iyi ingafambiswe sei.
“Patakaona kuti iyi imhosva, takaendesa nyaya iyi kumapurisa Mudimu achibva asungwa,” vanodaro VaShumba.

Asi vanoti hofisi yavo iri kutadza kubata VaKagurabadza sezvo nharembozha yavo yakadzimwa.
“Vekumahofisi edu vanga vari pachikoro neMuvhuro uye mukuru wacho akanga asipo. Hatisati tataura naye, asi ongororo iri kuenderera mberi kuti tione kuti mhosva yaari kupomerwa ichokwadi here kana kuti inhema. Kana akawanikwa aine mhosva tinomurangawo,” vanodaro VaShumba.

Share This:

Sponsored Links