Tombotarisa shandurudzo

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

PINDIKITI mugore idzva nekupedzisa nzwisa.

Gore zvorotanga kudai, ndati tipedzise nevaya vakanyora bvunzo dzekupedza dzidzo yepuraimari ndichiti ndinovimba kuti nzvimbo dzakatowanikwa kare uye magadzirira kutanga rimwe danho refundo. Goho redu rakauya tikaona zvatakakohwa. Ndinovimba kwamuri mose chiShona chakabuda zvakanaka.

Tangoti zvatakamirira kuvhurwa kwezvikoro kudai timbopedzisa nenzwisa dzatakatanga nadzo munaZvita. Tanga tichikurukura nenyaya yemipanda naizvo tinofanirwa kuziva kuti mazwi edu anofanirwa kuti ave nesungawirirana mukunyora zvirevo.

Chikuru chatinofanirwa kuziva ndechekuti kana tave kuchikoro chepamusoro kudai chiShona chacho chinenga chosanganisira nechiRungu.

Tichasangana neinonzi shandurudzo yezviito inonzi muchiRungu (moods). Tine mhando dzeshandurudzo (moods) dzinokwana kuita tsere. Mhando yandinoda kutanga kutaura nezvayo imhando yeshandurudzo yekutuma kana kuudza munhu kuita chimwe chinhu (imperative mood).

Kana zviine wirirano unoti mhanya, mira, bika, kanda, kana shanda. Kana zvisina wirirano woti usamhanya, usamira, usaseka, usashanda kana usakanda.

Kune shandurudzo yezvinoitika (indicative mood). Iyi shandurudzo inogona kuiswa mumipatsa inokwana minomwe seizvi:

1) Zvinoita nguva dzose:

a) Kana zviine wirirano tinoti ndinomhanya, ndinobatika, tinofara, tinotandara.

b) Zvisina wirirano tinoti handimhanyi, handibiki, hatifari, hatitandari.

2) Zviri kuitika iye zvino:

a) Zvine wirirano tinoti ndirikugeza, moto uri kubvira, mvura iri kufashaira,

b) Zvisina wirirano tinoti handisi kugeza, moto hausi kubvira, mvura haizi kufashaira.

3) Zvichangobva kuitika nhasi:

a) Zvine wirirano tinoti moto wadzima, ndamuka, tadya hove.

b) Zvisina wirirano tinotaura tichiti moto hauna kudzima, handina kumuka, pashandurudzo yezvinoitika (indicative mood) iyo yandati ine mipatsa minomwe.

4) Zvaitika nezuro kana kare:

a) Zvine wirirano tinoti takachata, kunze kwakapisa, vana vakapasa, chibage chakatsva.

b) Zvisina wirirano tinoshandurudza tichiti hatina kuchata, kunze hakuna kupisa, vana havana kupasa, chibage hachina kutsva.

5) Zvakanga zvichiitika:

a) Zvine wirirano tinoti ndakanga ndichirwara, akanga achikuya, vakanga vachinyora.

b) Zvisina wirirano tinoshandura tichiti ndakanga ndisingarwari.

6) Zvagara zvichiitika:

a) Zvine wirirano taigarorwa, taigara kwaMutoko, vairima madima.

b) Zvisina wirirano hataigarorwa, hataigara kwaMutoko, havairima madima.

7) Zvichaitika:

a) Zvine wirirano tinoti vachauya nechingwa, muchafara mose, tichaenda kubhora.

b) Zvisina wirirano tinoti havachauya nechingwa, hamuchafara mose, hatichaenda kudhorobha.

Imwe shandurudzo yetatu ndeye zvinoitikirana (the participal mood). Inotiudza chinhu chinoitika chimwe chiri mukuitika sekuti

a) Zvine wirirano tinoti anomhanya achicheuka, anofamba achidya, anodya achitaura.

b) Zvisina wirirano tinoti haamhanyi achicheuka, haafambi achidya, haadyi achitaura.

Kunewo shandurudzo yevavariro (the subjunctive mood) inoti tinosimira kuti tidziirwe, tonodya kuti tikure.

Tangopana nzwisa yezvinowanikwa gore rino kuchikoro chepamusoro. Isa munhava.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>