Kwayedza
Mhinduro dzesvondo rapera:
Pedzisa tsumo idzi:1. Kuwanda huuya museve wakapotera . . . (pamuzukuru)
2. Chidyamatoo akazodzipwa neganda . . . (remhuru)
3. Totenda yavira shambakodzi . . . (yedemhe)
4. Chisi hachiyere musi . . . (wacharimwa)
5. Muzivi wenzira yeparuware ndiye . . . (mufambi wayo)
* * *
Svondo rino:
Zadzisa tsumo dzinotevera:
1. Badza guru ipa murimi, kupa tsimbe . . . naro.
2. Akuruma . . . ndewako.
3. Bvupa jena . . . munyama.
4. Yadeuka yadeuka . . . yemuguchu haidyorerwi.
5. Usatuka nyamukuta . . . uchada.
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007