Tsumo nemadimikira namukanya

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

GUDO akaenda nemwana wake kuHarare. Vakafamba vachiona zvinhu zvakasiyana-siyana. Mushure mekufamba kwenguva refu, Gudo akatengera mwana wake huku nemachipisi. Mwana waGudo aguta, vakapinda muzvitoro zvehembe vakatenga hembe nebhutsu zvakanaka. Gudo akati kumwana wake, “Tatenga zvinhu zvatanga tichida. Ngatichidzokera kumba.” Mwana waGudo akati, “Asi ini ndiri kuda chidhori.” Gudo akati, “Inga wani ndakutengera chikafu, hembe nebhutsu?” Asi mwana waGudo akabva atanga kuchema zvekuti vanhu vakatanga kuungana. Gudo akadzidza kuti vana vanoramba vachida zvinhu zvakawanda nyangwe vambowana zvimwe.

 

. Tsumo yacho: Matakadya kare haanyaradze mwana.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

GUDO akanga atambura nenhamo nekuti mhuri yake yakanga yakura kwazvo. Rimwe zuva akaona Tsuro achibva kuHarare akagukuchira mapasuru emhuri yake.

Gudo akakumbira kuti Tsuro agoendawo naye kuHarare. Mushure metumazuva, Tsuro akaenda naGudo kuHarare. KuHarare, Gudo akapinda basa rekusunda chingoro, achibva atakuriswa zvinhu zvakabiwa. Akabva asungwa. Gudo akanga ave kufunga mhuri yake kumusha achiti, dai ndakangogara zvangu kumusha. Ndizvo zvinonzi, “Kurumwa netsikidzi rambira mumba, . . .”

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>