Kwayedza
Mhinduro yesvondo rapera:
Tipe tsumo inoenderana nekatsanangudzo iyi:
Gava rinofarira kudya tsubvu zvikuru.
Saka kana richienda kunzvimbo yarinoziva kuti rinonowana tsubvu, kunhu ikoko hakuriitire kure.
Kana tsumo iyi yave kushandiswa muvanhu inoreva kuti vanhu havamanikidzwe kana kuomerwa nekuita chinhu chinozovawanisa chinhu chavanodisisa.
* * *
. Tsumo yacho: Kure kwegava ndekusina mutsubvu.
* * *
Svondo rino:
Ateya mariva murutsva haatyi kusviba magaro.
Kana munhu achinge aiita chimwe chinhu, anofanira kugamuchira zvinhu zvinokonzerwa nekuda kwechinhu ichocho. Kufanana nemunhu ari kuda kubudirira muhupenyu, anotozvipira kuti averenge mabhuku.
“Murutsva” inzvimbo yakaita sei?
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007