Uku in’anga uku muporofita

15 Mar, 2023 - 12:03 0 Views
Uku in’anga uku muporofita Sekuru Mutanha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

DAI riri gumbeze, murume wekuBocha, kwaMarange, angadai achinzi i”2 in 1″ nekuda kwekuti in’anga uye muporofita.

Vanoziva nezvake vanonetseka kuti “rima nechiedza” zvinodyidzana papi?

Sekuru Edmore Mutanha (44) muporofita muchechi yeZviratidzo Zvevapositori Zion Apostolic Church uye vari zvakare n’anga inotorova hakata ichiita zvechivanhu.

Machira eretso nezvimwe zvinoshandiswa nen’anga vanazvo asi vakange vany’ura mumagemenzi avo machena, unovashaya kuti ndivo vaya n’anga inoshopera nekurova hakata.

Kwayedza yakashanyira murume uyu pamusha pake kwaSabhuku Sangodema ndokuita hurukuro naye ichida kuziva kuti vanozvigona sei kuiti vari kwese kunzungu nekunyimo.

Pamusha paSekuru Mutanha pakatowanikwa paine bira rekupembedza mashavi avo ezvemidzimu, ngoma nembira zvichitodandaura kurira.

Sekuru Mutanha vakapfeka gemenzi

Ivo vainge vakatopfeka mbatya dzechivanhu dzemaretso tsvimbo yasekuru iri mumaoko uku vachitosvuta bute uye panguva imwe chete vachibatwa nemweya unonzi “mutsvene”.

“Ndinozivikanwa nekubatsira vanhu nenzira mbiri – kuhun’anga nekuchiporofita. Mweya mutsvene unondibata ndichipfeka gemenzi ndichibatsira vanhu kumasowe kwedu echechi yeZviratidzo Zvevapositori Zion Apostolic Church.

“Nekune rimwe divi, ndinobatsirawo vanhu nehun’anga sezvo ndichisvikirwa nemudzimu wechiZulu. Ndinopfeka nekumonera machira eretso nezvimwe zvemidzimu,” vanodaro Sekuru Mutanha.

Sekuru Mutanha vari mumatare

Vanoenderera mberi vachiti: “Midzimu, mashavi nechiporofita zvinopanana mikana nekuda kwedambudziko rauya nemunhu. Kungava kuchechi kana kuchivanhu, ini ndinoshandisa mvura pakurapa.”

Vanoti vabereki vavo vakarambana vari mudiki apo vakatanga kuona zvinhu zvaisaonekwa nevamwe vasvika pamakore masere okuberekwa.

“Pamakore 8 okuberekwa, ndakanga ndava kurotswa zvinoitika ndichitoona varoyi ndisina kuchechi kwandaienda kana kusvikirwa. Ndakura zvekusvika kumakore 14, ndakatanga kuenda kuchechi yeZviratidzo uko ndakanotanga kubatwa nemweya mutsvene ndichitorapa.”

Sekuru Mutanha vanoti mukurumbira wavo wekurapa kuchechi wakasvika kure vakazotanga kusvikirwa ndokubikirwa dori kukaitwa bira, midzimu yavo ikabuda ichibatsirana nemweya mutsvene.

“Kuchechi kwedu tinosanganisa zvose kunamata nechivanhu,” vanodaro.

Vanoti kuchikiro vakagumira Grade 1 chete, asi mweya unosvika pavari unotaura ChiRungu zvakanakawo.

“Ndasvika kunyika dzakasiyana nekuda kwechiporofita nehun’anga uhwu ndichitoshandira kana vachena nekutaura navo nechirudzi chavo. Handina kuromba sezvinofunga vamwe kuti munhu haagone kuita muporofita woita n’anga zvakare. Isimba rinobva kunaMwari nekumadzitateguru angu,” vanotsanangudza.

Mumwe mudzimai akawanikwa ari pabira pamusha pemurume uyu, Mai Madanha Dzoma-Marange (49), vanoti chavanoda kubatsirwa, kwete zvekutarisa kuti mweya unovashandira ndeupi.

Mai Madanha Dzoma Marange

“Isu hatinei nemweya inobuda pavari, tinongoda kupona bedzi,” vanodaro Mai Dzoma-Marange.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>