Vadzidzi vopangana mazano ezveupfumi

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Daphne Machiri
MIDLANDS State University yakaparura chirongwa chetsvakiridzo, chinodaidzwa kuti First International Research Conference, icho vadzidzi vanopanana mazano pamusoro pezvingaitwe mukuvandudza upfumi hwenyika. Chirongwa ichi chine vadzidzi vekumayunivhesiti akasiyana muZimbabwe pamwe nevekune dzimwe nyika dzakaita seSouth Africa neBotwsana.

Vachitaura pakuparurwa kwacho kuVictoria Falls nguva pfupi yadarika, MSU Pro-Vice Chancellor (Research and Academic Affairs), Professor Victor Muzvidziwa, vakati zvakakosha kuti vadzidzi vashandise hunyanzvi hwavo mukusimudzira budiriro yenyika.

“Chirongwa ichi ndechekuburitsa tsvakiridzo dzingaitwe kusvika gore ra2063 mukusimudzira upfumi hwenyika kubudikidza nezviwanikwa zvakaita sezvicherwa muAfrica,” vakadaro. Chakaparurwa pasi pedingindira rinokurudzira kuvandudzwa kweupfumi hwenyika rinoti: “Driving Socio-Economic Development Through Value Addition and Sustainable Use of Resources”. “Donzvo riripo ndere kusimudzira upfumi hwenyika kuburikidza nemaindasitiri nekuchengetedza zviwanikwa,” vakadaro Prof Muzvidziwa.

Vanoti kana vadzidzi vekumayunivhesiti vakapihwa mikana yekushandisa ruzivo rwavo zvizere, nyika inobudirira muzvikamu zveupfumi zvakasiyana sezvo vari ivo mwongo webudiriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>