Vafumoona munhu asina kupfeka muchivanze chavo

23 Oct, 2023 - 17:10 0 Views
Vafumoona munhu asina kupfeka muchivanze chavo Mudzimai achipfekedzwa mbatya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara kwaSabhuku Bore, kwaMambo Hata, kuNyanga, yakafumoona mashura nemusi weMuvhuro wadarika apo mudzimai aiva asina kupfeka akange akati pfavava pachivanze chavo.

Inspector Nobert Muzondo, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, vanotsinhira nyaya iyi.

Inspector Muzondo

“Tine mudzimai anonzi Shyline Manhanhanha (29) akati anobva kuDombo, kwaRusape, uyo akawanikwa mangwanani emusi weMuvhuro asina kupfeka padyo nemusha waSekuru Chihwa avo vanonzi VaTatenda Mutani (29). Mudzimai uyu akatozopihwa mbatya dzekupfeka nevamwewo vanhu, uye anoratidza kuti aisaziva zvaari. Nyaya iyi iri kuferefetwa kuchitariswa mativi maviri ekuti murwere wepfungwa here kana kuti pane zvechivanhu zvaimunetsa,” vanodaro Insp Muzondo.

Mambo Hata – VaEdward Mapeta – avo vakataurwa navo vabvakacha kuHarare nemusi weChipiri, vanotsinhirawo nyaya iyi vachiti iri kunetsa kuti vainzwisise.

“Ichokwadi, ndichitova kuHarare ndakaridzirwa nhare nemakurokota angu vachiti kwasvika nhume kubva kwaSabhuku Bore kuchinzi kwadonha muroyi. Ndakavataurira kuti vaende kunoona zvaiva zvaitika ikoko vazonditaurira,” vanodaro Mambo Hata.

Vanoti makurokota avo akazoenda akanowana mudzimai aiva asina kusimira wavanoti aitaura kuti aiva abva kuVillage 7 kuDombo, kwaRusape.

Anonzi aitaura kuti aisaziva kuti akanga asvika sei kunzvimbo iyi.

Mudzimai akashama

“Semunhu asiko kumusha, handizive kuti mudzimai uyu muroyi here aiva akabatwa neshavi rekuroya kana kuti munhu anorwara nepfungwa. Nyaya dzehuroyi dzinonetsa kupinda mukati madzo zvakanyanya nekuti mutemo wenyika yedu weWitchcraft Suppression Act haubvume kuti kune munhu anonzi muroyi zvisinei kuti vamwe vari kubuda voga pachena mazuva ano kuti vanoroya,” vanodaro Mambo Hata.

Makurokota aMambo Hata vakaridzirwa nhare neKwayedza vari panzvimbo yaiva nemudzimai uyu, vanoti akataura zita rake kuti anonzi Shyline Manhanhanha anobva kwaRusape.

Vanoti mudzimai uyu akataura kuti aiva nevana vake vatatu vaaiva akasiya kumba.

Anonzi aiva padyo nemusha waSekuru Chihwa uko anonzi akazoendeswa kuti anobatsirwa.

Sekuru Chihwa pavakaridzirwa nhare neKwayedza, vanotsinharo kuti vari kubatsira mudzimai uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>