Vafumoona rusero rune matumbu mambishi nechuma pachivanze

09 Feb, 2024 - 17:02 0 Views
Vafumoona rusero rune matumbu mambishi nechuma pachivanze Rusero rwune chuma, matumbu nedumwa rakabairirwa tsono.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUNYAYA inonetsa kunzwisisa, vagari vepane imwe imba iri kuKuwadzana 5, muHarare, nemusi weChitatu vanonzi vakafuma vachiona manenji muchivanze chavo apo maive nerusero rwaiva nechuma, nyama yematumbu mambishi nedumwa rakabairirwa tsono.

Hazvina kuzivikanwa kuti matumbu aya ndeei.

Izvi zvakaitika panhamba 7176 mumugwagwa wa127 Circle.

Mbuya Blantina Gapa (70), vanova muridzi wepamba apa, vanoti mumwe wemaroja avo aiva nechijana chekutsvaira akamuka rungwanani achitsvaira apo akadhumana nerusero urwu achibva avhunduka.

“Muroja wangu akamuka kuma5 ndokutanga kutsvaira sezvo ndiye aiva nechijana. Akaona rusero urwo rwaiva nechuma chakarukirirwa uyewo rwuine nyama yematumbu ari fresh nedumwa raiva rakabairirwa tsono. Pakuona, vamwe vanoti matumbu emwana mudiki vamwewo vachitaura zvakasiyana. Muroja uyu achingoona izvi, akauya kuzondimutsa ndokuendawo ndikanoona,” vanodaro Mbuya Gapa.

Mbuya Blantina Gapa

Vanoti vakazotaurirawo vamwe vavakidzani vavo.

“Chuma chaiva murusero urwu chaiva chichena nechitema. Akaisa rusero urwu hatina kuziva kuti ndiyani, vamwe vanoti varoyi vakadonhedza rusero urwu vari mudenga vachirwira nyama. Asi vamwewo vanoti vavengi vakauya kuzoita mhiko dzavo pamba pangu,” vanodaro Mbuya Gapa.

Vanoti vakazoridzira nhare murume wavo, Sekuru Gapa, vaiva kumunda wavo kupurazi reRenham avo vakazouya kuzoona mashura aya.

“Nyaya iyi yativhundutsa kudaro, kune vakawanda vanotaura mafungiro avo vamwe vachiti tine zvatinoziva saka takazotanga kutsvaga maporofita anoshandira,” vanodaro.

Mbuya Gapa vanoti pane mumwe muporofita akazouya ndokupisa rusero urwu, matumbu zvose nechuma.

“Ini handina vanhu vandinovengana navo, kana varipowo hamheno. Ndakatanga kugara pamba pangu pano mugore ra1986 patakapihwa masitendi aya, handina kumbobvira ndakaona zvinhu zvakadai zvinotyisa nekuvhundutsa. Tave kuda kutobatsirwa kuti tizive kuti chinangwa chei kuisirwa zvinhu zvakadai pano.”

Pamba pemhuri iyi pane magedhi maviri anoti diki rinokiiwa nehombe racho risingakiiwe.

Mbuya Gapa vachitaridza paiva nerusero – Mifananidzo naCharles Chitwanga

Mbuya Gapa vanoti vanogara nevana vavo vatanhatu nemaroja zvakanaka pasina kana dambudziko.

Mhuri iyi ine mwana mukomana anorasika njere.

“Ndine mwana wangu mukomana, Ezekiel Tapiwa Gapa (40), anorwara nepfungwa, takambenge takamuendesa kuchipatara cheParirenyatwa kuti anobatsirwa akagumisira atiza ikoko. Izvozvi tiri kumutsvaga kubva mumwedzi waMbudzi gore rakapera,” vanodaro.

Pamba paMbuya Gapa

Vanoti nekuda kwekushaya kwavakaita mwanakomana wavo uyu, vari kufamba mumaporofita vachitsvaga kubatsirwa kuti vakwanise kumuwana.

“Chava kunetsa maporofita aya anoda mari, kune mumwe akanditi anoda US$100 kuti auye kuzobvisa zvinhu zvavanoti zviri pano nevamwe vanotaura zvakawanda-wanda. Chandinoda panguva ino kubatsirwa kuzivikanwe kuti akaisa rusero nematumbu aya ndiyani uyewo nekuti ndiwane mwana wangu.”

Mbuya Gapa vanoti vane fungidziro huru yekuti panogona kunge paine maporofita anoda kutsvaga mbiri nedambudziko remwana wavo anorwara nepfungwa akavakandira rusero urwu.

Gospel Gapa, mumwe wevanasikana vepamba apa akaramba kutaura nevatori venhau nekuda kwekutya.

“Ini zvangu handina zvekutaura nekuda kwenyaya iyi nekuti zvinoshamisa,” anodaro Gospel Gapa.

Sekuru Edmore Mutanha (45) vekuBocha, kwaMarange avo vanopinda chechi yeZviratidzo Zvevapositori Zion Apostolic Church uye vari muporofita zvekare vanoti: “Mhuri iyi inofanirwa kufamba iwane chokwadi, panogona kunge paine huroyi chaiho kana kuti pane vanoda kuvavhundutsira.”

Share This:

Sponsored Links