‘Vale’ yaTinotenda Katsande ari mujeri

15 Feb, 2024 - 06:02 0 Views
‘Vale’ yaTinotenda Katsande ari mujeri Tinotenda Katsande

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUIMBI ane mukurumbira mumusambo wechitendero – Tinotenda Katsande (31) – uyo ari kupika jeri paHarare Central Prison nemhosva yekutadza kudzorera chikwereti, anoti akafara chaizvo kumbobudawo panze achipemberera zuva reValentine’s Day vachiridza mimhanzi pachirongwa cheZimbabwe Prisons and Correctional Services nemusi weChitatu chino.

Katsande akatsikisa nziyo dzinodarika makumi mana uye akaita mukurumbira nenziyo dzinosanganisira “Handina Mweya Unotongwa Nemadzinza”.

Anokurudzira vari muwanano nevachiri murwendo rwekuroorana kuti vaite rudo rwusina kurovana kana kumbunyikidzana.

“Rudo sandi kurovana, kutukana kana kuuraya asi kuti rwunofanira kunge vanhu muchitaurirana nekunzwisisana,” anodaro.

“Ndisati ndapinda mutirongo, ndanga ndava negore ndaroora asi zvakazongoendawo nepamwe ndikapinda mujeri mushure mekunge ndatadza kuwirirana nemunhu wandakange ndiine mari yake inoita US$6 000.

“Mudzimai akaenda saka pari zvino ndiri kutsvagawo wekuroora ndigomupawo rudo uye ndipfuurire mberi neupenyu. Ndinoda kuramba ndichiita basa raMwari, zvikuru kuparidza bhaibheri. Kuimba ndiyo nzira yandinoona inoita kuti shoko ripinde muvanhu zvakanyanya,” anodaro

Katsande anotora mukana uyu kuyambira veruzhinji kuti vasapare mhosva achiti kugara mujeri hakuna kunaka.

“Mhosva inoparwa nemunhu chero, hazvina basa kuti uri ani. Vazhinji vari kupara mhosva vasingazivi kuti inozovasvitsa mutirongo. Ngatirege kuseka kana kutarisira vari mumajeri pasi, unogona kunorova munhu mbama chaiyo odonha pasi otofa. Saka ndinoti mhuri yeZimbabwe ngatiregei kuita zvinhu zviri kunze kwemutemo nekuti mumwe musi unomuka wasungwa.”

Katsande akatongwa gore rino munaNdira ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mishanu.

Share This:

Sponsored Links