Vana 2 vafa imba yabatira moto

11 Mar, 2024 - 15:03 0 Views
Vana 2 vafa imba yabatira moto Asst Insp Wiseman Chinyoka

Kwayedza

Liberty Dube

VANA vaviri vekuChipinge vakafa svondo radarika mushure mekunge imba yehuswa yavaive vakarara yabatira moto.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti izvi zvakaitika munharaunda yeMusikavanhu mushure mekunge vana vaviri ava vaenda kunorara muimba yehuswa iyo yaive yakatarisana neimba yaamai vavo, Mai Janie Ngombe.

Manheru acho, Mai Ngombe vakazomutswa neruzha. Vakabuda mubhedhuru mavo vachibva vaona kuti imba yairara vana vavo vaviri yakanga ichitsva.

“Pavakada kuvhura gonhi, vakaona kuti rakanga rakakiiwa nemukati. Havana kukwanisa kurivhura nechisimba. Mumwe wevavakidzani vavo, VaGavhuna Simango, vakazomhanyira panzvimbo iyi vakabva vakava gonhi iri negumbo zvikaita kuti rivhurike.

“Vakakwanisa kununura mumwe wevaviri ava kubva muimba yaitsva. Pakazodzima moto, mumwe wacho akanga atofa.

“Pakubvunzurudzwa, musikana akanunurwa akati vasati vaenda kunorara, vakanga vashandisa huni yaibvira kuvheneka. Zvinofungidzirwa kuti vaviri ava vakarara vasina kuidzima.

“Akazoendeswa kuchipatara cheSt Peter’s Mission Hospital uko akadarikidzwa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital. Akazofa mushure mekupinzwa muchipatara ichi,” vanodaro Assistant Inspector Chinyoka.

Share This:

Sponsored Links