Vana 2 vaponda baba

31 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Vana 2 vaponda baba Bruce Chitaukire naChangchu Chitaukire vachiratidza mapurisa mapondero avakaita baba vavo

Kwayedza

Arron Nyamayaro

VARUME vaviri, mukoma nemunin’ina, vasungwa mumusha weGlen Norah, muHarare, vachipomerwa mhosva yekuponda baba vavo vane makore 73 okuberekwa vachivapumha huroyi.

Bruce Chitaukire (47) wekuStoneridge naChangchu Chitaukire (43) wekuGlen Norah kumaNew Stands vanonzi vakarova baba vavo, Solomon, zvakaipisisa nechidimbu chepaipi (hose pipe) pamberi paamai vavo, Faith (67).

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira kusungwa kwevarume vaviri ava ndokukurudzira veruzhinji kuti vatsvage vanovayananisa kana vachinge vatadza kunzwisisana mukugara.

“Mapurisa ari kuferefeta nyaya yekufa kwemurume wekuGlen Norah anonzi akarohwa nevanakomana vake vaviri.

“Zvinonzi nemusi wa28 Ndira nenguva dza8:20 manheru, vaviri vari kupomerwa mhosva iyi, vanonzi vainge vakadhakwa uye vakasvika pamba apo amai nababa vavo vaiva vose.

“Mumwe wevanakomana ava anonzi akatanga kupomera mushakabvu uyu huroyi achiti ndiye akakonzera rufu rwusinganzwisisike rwehanzvadzi yake nemunin’ina wake.

Bruce Chitaukire naChangchu Chitaukire vachiratidza mapurisa mapondero avakaita baba vavo

“Anonzi akabva atanga kurova mushakabvu uyu nepaipi kakawanda muviri wose, mumwe mwanakomana ndokupindirawo mukuroba baba.

“Vaviri ava vanonzi vakazobva panzvimbo iyi, mushakabvu uyu akazokwanisa kufamba kubva muimba yekudyira achipinda muimba yekurara umo akarara pamubhedha,” vanodaro Insp Chakanza.

“Nomusi wa29 Ndira nenguva dza7 mangwanani, mudzimai wemushakabvu, uyo akanga arara kumba kwemuvakidzani wake, akauya kumba achiunzira mushakabvu chekudya chemangwanani. Akaedza kumumutsa asi haana kudaira sezvo akange atofa kare,” vanodaro.

Mutumbi uyu wakazoendeswa kumochari yeSally Mugabe Central Hospital uko wakamirira kuongororwa nemachiremba.

Bruce naChangchu vakazotorwa nematikitivha ndokuendwa navo kunzvimbo yavanonzi vakaparira mhosva iyi vachinoratidza maitiro avakaita.

Vavakidzani vemhuri iyi vari kupomera maporofita enhema mhosva yekuurayisa Solomon sezvo vachinzi ndivo vakamupumha huroyi zvekunyeba.

“Ngapatsvagwe muporofita akaudza vana ava kuti baba vavo ndivo vakaroya vamwe vana.

“Saka munhu wose akachembera atove muroyi here? Vaviri ava vanofanira kutongwa nemutemo zvakasimba uye vofumura maporofita enhema akavafurira,” anodaro mumwe muvakidzani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>