Vana 22 veECD vatapwa nekombi

19 Jan, 2024 - 17:01 0 Views
Vana 22 veECD vatapwa nekombi Kombi iri pakamba yemapurisa yeMacheke

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VANA 22 vanonzi vakatapwa pachikoro cheDavid Livingstone Primary School chiri muHarare nezuro nemutyairi wekombi uyo anogara achivatora pachikoro ichi nachienda navo kudzimba dzavo kuKuwadzana.

Vana veECD A neB ava vakazowanikwa nemumwe mutyairi wemotokari mushure mekunge kombi iyi yapera mafuta kuMacheke.

Mutyairi uyu akanzwa vana ava vachichema ndokumisa motokari yake kuti aone zvaiitika.

Akabva amhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Mapurisa vakatosunga mutyairi wekombi iyi apo vana ava vakaendeswa kuchipatara cheMarondera kuti vanoongororwa.

Mukuferefetwa kuri kuitwa nyaya iyi, zvakabuda kuti vamwe vabereki vekuKuwadzana vange vave nenguva yakareba vachibhadhara mutyairi wekombi uyu kuti atakure vana vavo kuvaendesa kuchikoro nekudzoka navo.

Vana ava vanonzi vakatakurwa pachikoro pavo munguva dzemasikati.

Hazvisati zvazivikanwa kuti chinangwa chekutapa vana ava ndechei sezvo mapurisa achiri kubvunzurudza mutyairi wekombi uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey