Vana 7 000 vakamitiswa………. Mash Central ndiyo iri pamberi

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Vana 7 000 vakamitiswa……….    Mash Central ndiyo iri pamberi VaMasimba Nyamucheta

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANA vanosvika chipo che7 000 munyika yose vanonzi gore rapera vakasiira chikoro panzira mushure mekunge vabata mimba.

Pavanasikana vechikoro 6 786 munyika yose vakapihwa pamuviri, 367 ndeve kupuraimari kuchiti 6 419 vange vachidzidza kusekondari.

Izvi zvakaziviswa pachirongwa chakaitwa nesangano reUnited Nations Educational, Scientific and Cultural Organisation (UNESCO) nevatori venhau kuMazowe svondo rapera.

Zvakaonekwa kuti kune matambudziko akawanda ayo anosanganikwa nawo nevechidiki avo vanoitiswa pamuviri pasina kurongeka, sekutapurirwa zvirwere zvepabonde zvinosanganisira HIV nekushandiswa mabasa asingaenderani nezera ravo.

VaMasimba Nyamucheta, avo vanova murongi kusangano reUNESCO, vanoti kuitiswa mimba kwevana vachiri kuenda kuchikoro kunoita kuti nyika ikundikane kuzadzikisa zvinangwa zvayo zvinoendeka zvemaSustainable Development Goals.

“Sustainable Development Goal nhamba 4 ine chinangwa chekusimudzira dzidzo inoendeka pakati pevanakomana nevanasikana uye iri yemhando yepamusoro. Mumwedzi waZvita 2013, makurukota ezveutano nedzidzo vekunyika makumi maviri vakasainirana chibvumirano cheEastern and Southern Africa Commitment (ESA) – 2020 nedonzvo rekuona kuti vechidiki vawaniswa dzidzo maringe nenyaya dzezveutano hwesikarudzi, kuderedza nyaya dzemhirizhonga pakati pevarume nemadzimai, kuti vechidiki vawaniswe zvinovabatsira pautano hwesikarudzi, kuderedzwa kwenyaya dzekubata pamuviri pasina kurongeka, kuroodzwa kwepwere pakati pezvimwe,” vanodaro.

VaNyamucheta vanoenderera mberi vachiti, “Nzara nehurombo ndizvo zviri kuita kuti vechidiki vambunyikidzwe nenzira yebonde vopedzisira vabata pamuviri pasina kurongeka. Gore rapera, vanasikana vanosvika 6 786 vakasiira chikoro panzira mushure mekumitiswa uye dunhu reMashonaland Central ndiro riri pamberi munyaya idzi apo riine chikamu che28,1 percent.”

Tariro Makanga, uyo anova mukushi wemashoko kuchirongwa cheEarly and Unintented Pregnancy (EUP), anoti kushaiswa kwenzira dzekurera mhuri kune vechidiki ndiko kumwe kuri kukonzera kuti vaite pamuviri pasina kurongeka.

 

“Kune zvinhu zvakawanda zvinoita kuti vana vaite pamuviri sekushaikwa kwemishonga yekurera mhuri kungava kudhura kwayo, kuva kure nezvipatara, varapi vanenge vasingadyidzani zvakanaka nepwere apo dzinoenda kuzvipatara nekumakiriniki kunotsvaga mishonga yekurera mhuri kana dziviriro yebutiro rekondomu.

“Pamusoro pazvo, vabereki vazhinji havasati vava kuzvitambira kuti vana vari kupinda munyaya dzepabonde nekudaro havabvume kuti vana vavo vawaniswe mishonga yekudzivirira kubata pamuviri,” anodaro.

Chirongwa cheEUP chakaparurwa paMakomo Primary School, kuEpoworth nemudzimai wemutungamiriri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa munguva pfupi yadarika uye vanoyambira vabereki kuti vave nenguva nevana vavo vachivarayira nezvekuipa kwekumhanyira kupinda munyaya dzepabonde sezvo zvichikanganisa dzidzo.

 

Share This:

Sponsored Links