Vana vakaratidzira mabasa emaoko

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Daphne Machiri
VANA vechikoro, kubvira kukireshi kusvikira Form 6, svondo rapera vakawana mikana yekuratidzira matarenda avo mumabasa emawoko akaita sekuveza pamusoro pekukosha kwekuchengetedza matoro pasi pechirongwa chaitsigirwa nesangano reNational Art Gallery of Zimbabwe.Chirongwa ichi chinozivikanwa nekuti Tavatose/Sisonke 2015 School Art Exhibition uye chaive nedingindira rekuparara kuri kuita matoro rinoti “Vanishing Wetlands”.

Vana vechikoro kubva kukireshi, puraimari nesekondari vairatidzira mabasa avo ekudhirowa, zviumbwa nezvivezwa zvakasiyana vachiratidza kuparara kwematoro nekukosha kwawo munharaunda.

Vachitaura pachiitiko ichi, National Gallery of Zimbabwe Education Officer, VaAkim Nyakudya, vakati zvakakosha kuti vechidiki vazive kukosha kwemabasa emawoko sezvo vachigona kuzowana raramo kubva maari mune remangwana.

“Chidzidzo cheArt vanhu vazhinji vanofunga kuti ndezvemarovha kana vanhu vanoshaya zvekuita. Kwete, isu veZimbabwe Art Gallery tiripo kusimudzira nekutsigira vechidiki vane matarenda ekudhirowa, kuveza, kuumba nekutora mifananidzo.

“Zvidzidzo izvi takaona zvakakosha kuti zvitangire kune vechidiki zvakare zviriko kusvika kudanho rekumayunivhesiti,” vakadaro.
Vanoti kune vanhu vakawanda vari kurarama kuburikidza nemabasa emawoko.

“Zviratidzwa izvi zvinobatsira kuti vana vakure vaine njere dzakarodzeka zvakare nekurerutsira avo vane matarenda acho vasingakwanisewo zvekuverenga mabhuku. Hakuna mwana anonzi idofo, mumwe nemumwe ane pake paanoziva panova pachamusimudzira muupenyu hwake uye nekusimudzira nyika zvakare,” vakadaro VaNyakudya.

Vanoti vakaona zvakakodzera kuti vatsvage dingindira riri pamusoro pekuparara kwematoro sezvo vanhu vakawanda vasiri kukoshesa kuachengetedza.

“Zvakakaosha kuti vanhu vachengetedze matoro, ngavarege kurima kana kuvaka dzimba munzvimbo dzematoro,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>