Vana vari kumitiswa vakawanda: Ongororo

21 Mar, 2024 - 14:03 0 Views
Vana vari kumitiswa vakawanda: Ongororo Mwana ane mimba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HUWANDU hwevanasikana vasati vabva zera avo vari kuita pamuviri hunonzi huri kuramba huchiwedzera uye ongororo yakaitwa neCentre for Sexual Health and HIV AIDS Research Zimbabwe (CeSHHAR) yakabatana nebazi rezvedzidzo nemamwe masangano inoratidza kuti chikamu che23.7 percent chevanasikana vari kubata pamuviri muZimbabwe.

Mamwe masangano akabatsira muongororo iyi ndeanoti United Nations Population Fund (UNFPA), United Nations Children Funds (UNICEF), United Nations Educational, Scientific and Cultural Organisation (UNESCO) nePublic Service Commission.

Ongororo iyi yakaitwa kubvira munaNdira 2019 kusvika Zvita 2022 pakati pevanasikana vane makore anobvira pa10 kusvika 19 ekuberekwa nerutsigiro rweHealth Resillience Fund neSafeguard Young People Programme.

Kubva pachikamu ichi, chikamu che21 percent bedzi ndicho chakabudirira kunyoresa nhumbu kumakiriniki

nezvipatara

Gwaro rakaumbwa mushure meongororo iyi reNational Assessment on Adolescent Pregnancies in Zimbabwe rinoti kubata pamuviri kuri kuita vanasikana uku kuri kukonzerwa nekusamira zvakanaka kweupfumi hwenyika, misikanzwa yevana nekukurumidza kuyaruka kwevanasikana nevanakomana.

Zvimwe zviri kukonzera dambudziko iri kuuya kweruzivo rweindaneti apo vana vanoona zvose-zvose pasina anotsiudza kana nzira dzekurambidza, kushungurudzwa nenzira yebonde – zvikuru kuvana nherera – nekusiira chikoro panzira nekuda kwekushaya mari kwevabereki kana vachengeti.

Regai dzive shiri

Paongororo iyi, vanasikana 1 418 vakasarudzwa vachibva kumatunhu matanhatu kubva pagumi ari munyika.

Vakapihwa mibvunzo iri maringe nekuita pamuviri vasati vabva zera uye kuti vainge vakanyoresa here nhumbu dzacho muzvipatara (antenatal clinics).

Pane vakanyoresa nhumbu panguva iyi, chikamu che0,2 percent ndevane makore 10 kusvika 14 ekuberekwa apo chikamu che21 percent chiri chevanasikana vane makore 15 kusvika 19 ekuberekwa avo vainge vakazvitakura.

Vachitaura pamusangano wekuzeya zvakabuda muongororo iyi, mukuru weUnited Nations Humanitarian and Resident Coordinator muZimbabwe, VaEdward Kallon, avo vainge vakamirirwa nemumiriri weUNFPA muZimbabwe, Miranda Tabifor, vanoti zvakabuda zvinofanira kuva yeuchidzo kuHurumende kuti nyaya dzekumitiswa kwepwere dzichakawanda munyika nekudaro dzinoda rutsigiro rwakakura kudzirwisa.

“Vechidiki muZimbabwe vakatarisana nematambudziko ane chekuita nekukura kwavo anosanganisira kubata pamuviri vachiri kuyaruka izvo zviri kuramba zvichikonzera kufa kwemadzimai panguva yekusununguka. Vanasikana vanoda chengetedzo yedu takabatana senyika saka ibasa remunhu wose kubvira muzvikoro, mudzimba nenzvimbo dzavanoswera kana kutambira,” vanodaro.

VaShingirai Paungano

VaShingirai Paungano, avo vakafanobata chigaro chadeputy director webazi rezvevashandi nekubatsirwa kwevanotambura, vanoti dambudziko rekumitiswa kwevana vasati vabva zera iguru.

“Kubata pamuviri kwepwere inyaya ine zvinhu zvakawanda inokanganisa utano neramangwana remadzimai echidiki. Asi zvakare ine chekuita nebudiriro yemagariro neupfumi hwenyika yedu. Idambudziko guru rinofanira kugadziriswa nekukasika uye panoda mushandirapamwe,” vanodaro.

Zvakaonekwawo kuti chikamu che67 percent chevanasikana vane makore 15 kusvika 19 ekuberekwa ndicho bedzi chiri kuwana nzira dzekudzivirira kubata pamuviri, kureva kuti pachine mukaha mukuru.

Zvakabudawo kuti chikamu che13 percent chevanasikana vane makore 10 kiusvika 19 ekuberekwa vakatomboita nyaya dzepabonde asi vazhinji vari pamakore 14 kusvika 15.

Blessing Nyagumbo, uyo anova programme specialist kuUNFPA, anoti basa ravo guru nderekutsigira Hurumende uye vane tarisiro yekuti dambudziko rekumitiswa kwepwere richaderera kuburikidza nezvirongwa zvavari kuita.

Neville Mavu, anova Child President, anotiwo vapari vemhosva dzine chekuita nekumbunyikidzwa kwevana nenzira dzose zvadzo vanofanira kupihwa zvirango zvakaomarara kuti uve mucherechedzo kune vamwe vangada kuzoita zvimwe chetezvo.

Neville Mavu

Muzvare Zivai Mupambireyi, vanova research portfolio manager kuCeSHHAR, vanoti pane zvakawanda zviri kukonzera kumitiswa kwepwere senzara neurombo, kufirwa nevabereki vana vachisara vachimbunyikidzwa nevehukama, kufurirwa nevamwe vana, kumbuyikidzana kwepwere pachadzo nemafirimu anoonekwa nevana ane zvinyadzi.

Muzvare Zivai Mupambireyi.jpg

Gamuchirai Muzvondiwa anova President of Senate weJunior Parliament anotiwo nyaya dzekumitiswa kwepwere dzinorwadza.

Gamuchirai Muzondiwa

Anopa muenzaniso waYeukai Dandara (15) uyo anonzi akabatwa chibharo kasingaperi nasekuru vake, kusvika azobata pamuviri asi akazorasikirwa neupenyu mushure mekunge abara mapatya nenzira yekuvhiiwa apo akazosangana nezvigozhero.

Denzel Whata anova junior mayor weChitungwiza anoti vacharamba vachikusha mashoko echenjedzo mukati mevechidiki kuti vasiyane nekumhanyira nyaya dzepabonde sezvo dzichikanganisa ramangwana ravo.

Kuchitiwo VaDebrain Mugarapanyama vanova national secretary wesangano reYoung People’s Network on Sexual Reproductive Rights vanoti ongororo yakaitwa nesangano reNational AIDS Council maringe nekutapurirana HIV inoratidza kuti vanakomana havasi kuwaniswa mashoko azere maringe nedziviriro sezvo masangano mazhinji achiita zvirongwa zvakanangana nemadzimai nevanasikana vachifuratira vakomana.

 

“Dambudziko rekumitiswa kwevanasikana rinopedzwa kana vanakomana vakawaniswawo mashoko nekuti nyaya idzi dzinobata varume nevakadzi kwete rutivi rwumwe chete,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links