Vana vowaniswa chenjedzo neyes

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

CHIRONGWA cheYouth Education through Sport (YES) Programme chiri kurumbidzwa zvikuru chichinzi chiri kubatsira vana vechikoro kuti vawane mukana wekupangana mazano pamusoro penyaya dzakaita sechenjedzo pakuchengetedza utano hwavo.

Muhurukuro naMelody Gwanungwa (16), uyo ari muForm 3 pachikoro cheYoung Africa College icho chiri kuEpworth, uyo anova mupakuri weruzivo (pear educator), anoti chirongwa ichi chiri kubatsira vana vechikoro zvakanyanya kuti vanzwisise maererano nezveutano.

“Chirongwa ichi chakaitirwa kuti isu vana vechikoro. Tinokwanisa kukurukura tiri vemazera mamwe tichinzwisisana nekupanana ruzivo. Tinoenda muzvikoro zvakasiyana tichiita makwikwi emadhirama nemadetembo ari pamusoro pekuchengetedza utano uye kuti vana vechikoro vazive pavamire maererano neHIV neAIDS nekuti vamwe vana vanozvarwa vainacho vamwe vanobatira chirwere ichi kubudikidza nemisikanzwa, vamwewo nekubatwa zvibharo,” akadaro Melody.

Akaenderera mberi achiti vari kupihwa ruzivo maererano nezveutano nebazi reutano nekurerwa kwevana rakabatana nesangano reSAFAIDS.

“Vanotidzidzisa kupararira kunoita zvirwere zvepabonde, vachitifundisa zvakare ruzivo rwatinopa kuvana vechikoro kuti vachecheudzwe kuitira kuderedza kupararira kwezvirwere zvepabonde, HIV neAIDS uye kuti vasaenda pabonde vasati vapinda muwanano,” akadaro Melody. Pachikoro chedu mwedzi wega-wega veNew Start and Counseling Centre vanouya kuzokurukura nesu pamusoro peHIV neAIDS vachitikurudzira kuti tizive patimire maererano nedenda iri.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>