‘Vanoba zvePfumvudza hokoyo’

24 Nov, 2022 - 07:11 0 Views
‘Vanoba zvePfumvudza hokoyo’ Assistant Com. Paul Nyathi (kuruboshwe) naVaRockie Mutenha

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI yeGrain Marketing Board (GMB) yabatana neAgritex pamwe mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) mukurwisa huwori huri kuitwa nedzimwe nhubu idzo dziri kukanganisa kufamba zvakanaka kwechirongwa chekupihwa zvekushandisa kuvarimi chePfumvudza/Intwasa.

VaRockie Mutenha vanova chamangwiza weGMB vanoti ibasa rekambani yavo kuchengeta zvekurimisa izvi pamwe nekuzozvitakura zvichienda kuvarimi avo vanozvipihwa pachena, donzvo riri rekuti nyika isaite nzara nehurombo.

“Imhosva huru kutengesa fetireza nembeu zvePresidential Inputs Scheme. Kune marori ari kuonekwa achitakura zvekurimisa izvi achienda kuHarare nedzimwe nzvimbo uye vamwe vacho vakatosungwa. Mapurisa atori mumigwagwa kutaura kuno kuronda makoronyera anopara mhosva dzakadai idzi,” vanodaro.

Vanoyambira varimi vese vari kuwaniswa zvekurimisa izvi kuti vazvishandise nemazvo.

“Kana uchiona kuti une husimbe hwekurima kana kuti hautorina munda, regedza kutora mbeu nefetireza yeHurumende kuti uzvitengese nekuti uchasungirwa huwori nehumbavha. Zvekurimisa izvi zviri mumasaga akatonyorwa kuti Presidential Input Scheme, Not For Sale saka zvese zvinenge zviri pachena. Imhosva kuregedza kutevedza mitemo,” vanodaro.

Vanoti Hurumende iri kutsigira varimi vadiki vanosvika 3 miriyoni mumwaka uno pasi pechirongwa ichi.

“Gwaro rine mazita evarimi vanokodzera kupihwa zvekurimisa rinogadzirwa neveAgritex vachibatsirana nehutungamiriri huri munharaunda mavo topihwa isu kuGMB. Tisu tinozoburitsa zvekurimisa izvi tichiendesa kumakomiti anozozvigovera kuvarimi.

“Makomiti aya anosanganisira makanzura, veAgritex, mapurisa, vakuru vezvikoro zviri munharaunda, mumiririri wevechidiki, mambo kana sabhuku. Chinangwa chikuru chiri chekuona kuti mbeu, fetireza nezvimwe zvinopihwa varimi zvakachengetedzeka,” vanodaro.

VaMutenha vanoenderera mberi vachiti: “Pasi pechirongwa chePfumvudza/Intwasa, varimi vekumaruwa vari kuwaniswa zvekushandisa zvinosanganisira 50kg yefetiraiza yemhando yeCompound D, 50kg yeAmmonium Nitrate ne10kg yembeu yechibage.”

Vanoti varimi vari mumaguta nemadhorobha vari kuwaniswa 2kg yembeu yechibage uye vatatu vavo vachigovana 50kg yeCompound D, zvimwe chetezvo neAN.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vese vachabatwa vakatakura kana vachitengesa fetiraiza nembeu zvePresidential Input Scheme vacharangwa zvakaomarara.

“Ibasa rekambani yeGMB kutakura zvekushandisa pakurima izvi uye hazvisi zvekutengesa. Veruzhinji ngavatibatsire nekunyevera mapurisa kana vachinge vaona vari kutyora mitemo.

“Vese vane zvitoro zvemikoto avo vanotengesa vasingapi vanhu magwaro ezvinhu zvavanenge vavatengesera ndinoti ngwarirai,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links