Varairidzi vakafumurwa

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYAYA dzerudo pakati pevarairidzi nevana vechikoro dziri kuwanda mazuva ano, idzo dzimwe dzacho dziri kufumuka dzichibuda munhau.
Munguva pfupi yadarika, bepanhau reH-Metro rakabudisa nyaya mbiri dziri pamusoro perudo rwevadzidzisi nevana vechikoro. Imwe yenyaya idzi ndeye mumwe mudzidzisi wepaKuwadzana High 2, muHarare, Courage Chikowo, uyo akasungwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekutumira mwanasikana waanodzidzisa mifananidzo yezvinyadzi panharembozha yake.

Mudzidzisi uyu anonzi zvakare aitumira mashoko erudo panharembozha yemwana uyu.
Chikowo anonzi akatumira mwana uyu mifananidzo achimubvunza nezvemamiriro akaita nhengo yake yakavandika kuburikidza nenhare zvinova zvisina kufadza musikana uyu kusvikira azosvitsa nyaya iyi kumapurisa.

Imwezve nyaya yakafanana neiyi, ndeye mumwe mudzidzisi ane chigaro chepamusoro paChinhoyi University of Technology, uyo anonzi akanyadziswa zvikuru mushure mekunge arongerwa nzira yekumufumura uye kuti abatwe nemurume wemukadzi waanodzidzisa uyo waakange achikwezva kuti vapinde murudo.

Sebastian Vengesayi, anove Dean weSchool of Hospitality and Tourism Faculty payunivhesiti iyi, anonzi akange achiita basa rekutumira mashoko erudo kuna Ruth Matienga, uyo ari kudzidzira basa (attachment) pachikoro ichi.

Matienga akazotaurira murume wake nekuda kwamaitiro aVengesayi zvikazoita kuti parongwe zano apo akazobatwa ndokuitwa dititi kurohwa nemurume waMatienga.

Mumwe murairidzi zvakare wepane chimwe chikoro chiri kuZaka, kuMasvingo, ari kuferefetwa nemapurisa eko nemhosva yaari kupomerwa yekushinha nemwana wepachikoro paanodzidzisa. Tawanda Zinyemba anonzi aishinha nekasikana kemakore 15 okuberekwa uye akatanga kuita izvi apo mwana uyu aive nemakore 14.

Zinyemba akazosungwa pakabuda nyaya iyi pachena uye anonzi munhu anozivikanwa zvikuru nemhuri yemwana uyu.
Zvichakadai, vabereki vemwanasikana uyu vakatombomumisa kuenda kuchikoro zvichitevera kuenderera mberi kuri kuita muraidzi uyu nekuita basa rake pachikoro ichi.

Mukuru wedzidzo (District Education Officer) wedunhu reMasvingo pamwe nemukuru wechikoro chinodzidzisa Zinyemba vakaziviswa nezvenyaya iyi uye vari kubatsira mukuferefetwa kwayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>