Vari kushungurudza vanasikana hokoyoi!

04 Nov, 2022 - 17:11 0 Views
Vari kushungurudza vanasikana hokoyoi! Cde Sithembiso Nyoni

Kwayedza

Munyori weKwayedza

HURUMENDE inovimbisa nyika kuti mutemo uchatevedzwa zvizere kuitira kuti vanhu vanombunyikidza vana munharaunda varangwe zvakasimba.

Izvi zvinotevera nyaya yakabuda muKwayedza yemwana musikana ane makore 9 ekuberekwa uyo ane pamuviri pemwedzi misere ari muchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals.

Mumashoko avo, gurukota rezvemadzimai, nharaunda, mabhizimusi madiki neari pakati nepakati – Cde Sithembiso Nyoni – vanoti panofanirwa kutorwa matanho akasimba ekupedza mhosva dzerudzi urwu.

“Nyaya dzekumbunyikidzwa kwevana nenzira yepabonde dziri kuramba dzichiwanda. Nyaya iyi inokanganisa utano hwake nehwemwana waakatakura,” vanodaro.

Vanoti chinorwadza ndechekuti izvi zvaitika mukati menguva pfupi mushure mekunge mumwe musikana wechidiki wekuNorton akarasikirwa neupenyu ari kuBikita apo aisununguka uye nyaya yaAnnah Machaya uyo akashayawo gore rakapera apo aisununguka panzvimbo yechitsidzo kuchechi yepositori.

Cde Nyoni vanoti munyaya dzose idzi, veruzhinji, vabereki nevachengeti ndivo vari kuhwandisa kushungurudzwa kunoitwa vana.

Regai dzive shiri

“Bazi redu rinoshora zvikuru maitiro anokuvadza akadai uye rinokurudzira vose vane chekuita nekurwisa kushungurudzwa kwemadzimai nevanasikana kuti vatore matanho akasimba ekurwisa dambudziko iri.

“Mutemo weMarriages Act unotaura pachena kuti makore ekuroora kana kuroorwa i18. Mhuri, nharaunda nemadzishe vanofanira kurwisa dambudziko iri. Tinokurudzira mhuri nevanasikana kuti vasiyane netsika yekunyarara asi kuti vafumure nyaya dzekushungurudzwa idzi,” vanodaro Cde Nyoni.

Zimbabwe yakadzika mitemo nezvisungo zvakawanda zvine chinangwa chekusimudzira upenyu hwemadzimai nevanasikana, zvikuru pakurwisa kushungurudzwa kwavo nenzira yepabonde.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>