Varwira zvipunu zveshuga

09 Jan, 2023 - 09:01 0 Views
Varwira zvipunu zveshuga Shuga

Kwayedza

Mashudu Mambo

ANE zino rinotapira uye hasha dzinovava!

Murume ane makore 23 okuberekwa anogara kuBurombo Flats, kuBulawayo – uyo anoda zvinhu zvinozipa zvakanyanya – akaratidza kuti ane hasha dzakawanda apo akarova muzukuru wake ane makore 14 okuberekwa nemugoti zvichitevera kusanzwisisana pamusoro peshuga – tsvigiri chaiyo.

Bright Mbembe akamiswa pamberi pemutongi wedare reBulawayo, VaBusani Sibanda, achipomerwa mhosva yekurova.

Anobvuma mhosva yake ndokutemerwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi.

Akatura befu apo mwedzi mishanu yemutongo wake yakasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti anofanira kuita hunhu hwakanaka kwemakore mashanu anotevera.

Mwedzi mishanu yaive yasara yakaiswa parutivi zvakare nechitsidzo chekuti anofanira kufondoka kwemaawa zana nemakumi manomwe nemashanu pakamba yemapurisa yeRoss Camp iri muBulawayo.

Dare rakanzwa kuti nemusi wa1 Ndira gore rino, Mbembe akatora zvipunu zvishoma zveshuga yaive yemuzukuru wake ndokuishandisa kubikisa bota.

Izvi zvinonzi hazvina kufadza muzukuru wake zvikazoita kuti vapopotedzane.

Nehasha, Mbembe akarova muzukuru wake nemugoti mumusoro.

Muzukuru uyu akakuvara zvishoma uye haana kuenda kunorapwa asi akabva amhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Mbembe asungwe.

Share This:

Sponsored Links