Vasungwa vaine masaga 9 embanje

10 Jun, 2022 - 15:06 0 Views
Vasungwa vaine masaga 9 embanje Mbanje

Kwayedza

Lovemore Kadzura

MAPURISA ekuNyanga nemusi weSvondo wadarika vakasunga varume vaviri vachipomerwa mhosva yekuwanikwa vaine masaga mapfumbamwe embanje inorema 144,5 kgs iyo inonzi vakaipinza kubva kuMozambique.

David Mavhiri naTalent Mutingwende, vose vekuMarondera, vamiswa mudare reNyanga Magistrate Court pamberi pemutongi Mai Constance Marutya ndokunzi vadzoke kudare nemusi wa16 Chikumi apo vachange vakavharirwa.

Muchuchisi VaTawanda Mashanda vapikisa kuti vaviri ava vapihwe bhera vachipa chikonzero chekuti vanogona kuregedza kudzoka kudare uye kuti nyaya dzekupinzwa kwezvinhu zvisiri pamutemo nekumiganhu yemunyika dziri kuwanda.

VaMashanda vanoti mapurisa akanyeverwa kuti Mavhiri naMutingwende vaive nembanje iyo vainge vapinza munyika muno vachibva nayo kuMozambique.

Mapurisa akabva arindira motokari yavo ndokuvasunga.

“Musi wa5 Chikumi, mapurisa akatambira mashoko ekuti kune motokari yaifamba mumugwagwa weKaitano-Kanyimo yakatakura masaga embanje.

“Chikwata chemapurisa aive nepfuti chakafamba chakananga paKanyimo Bridge ndokunohwandira. Ave mambakwedza, chikwata ichi chakaona mota ichisvika pazambuko.

“Vakamisa motokari iyi asi mutyairi wayo ndokuedza kutiza. Mapurisa akaridzira pfuti mudenga, motokari iyi ichibva yamira.

‘‘Mota iyi yakatariswa ndokuwanikwa iine masaga mapfumbamwe embanje anorema 144,5kgs zvikaita kuti vaviri ava vasungwe,” vanodaro VaMashanda.

Share This:

Sponsored Links