Vatengi vodzidziswa kodzero dzavo

08 Dec, 2022 - 15:12 0 Views
Vatengi vodzidziswa kodzero dzavo Dr Vengesai Magadzire

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE inokoshesa kufambiswa kwakanaka kwemashoko nemasaisai eruzivo rwechizvino-zvino ayo anowanikwa paindaneti nenharembozha uye nzira iyi iri nyore sezvo ichideredza nyaya dzekudhurirwa, pakati pezvimwe.

Makare, vanhu vaitonyora matsamba pabepa vachitumira neposvo kana dzimwe nzira izvo zvaitora nguva refu kuti isvike, zvichidhura uye pamwe pacho matsamba iwayo aigumisira arasika munzira kana kubvaruka.

Kuuya kwenzira dzechizvino-zvino mukufambiswa kwemashoko, kunoita kuti ruzivo rwuvandudzike muzvikoro nemumabasa uye mashoko anofamba nenguva vanhu vachiwana mhinduro pekare pekare nemitengo yakaderera.

Nemusi weChishanu chadarika, bazi rePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe (POTRAZ) rakabatana nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), Consumer Council of Zimbabwe, Consumer Protection of Zimbabwe uye mapurisa ari kuchikamu chinoona nezvemhosva dzehuwori dzinoparwa pamasaisai (CID Fraud and Cyber Related Crimes) vakaita musangano wekufundisa vagari vekwaSabhuku Matanga, kwaMambo Mapungwana kuMt Selinda Business Centre, kuChipinge maringe nekodzero dzavo sevatengi uye matambudziko anogona kuvawira apo vanoshandisa masaisai eindaneti nemari dzepurasitiki, pakati pezvimwe.

Zvimwe zvavakafundiswa zvinosanganisira kodzero dzavo dzekuwaniswa kwemashoko nemitengo yakaderera, kuwanikwa kwemasaisai pasina zvibingaidzo, kuchengetedzwa kwemashoko asingafaniri kuenda kune veruzhinji nekuchengetedzwa kwevanhu vanokusha mashoko.

Mumashoko avo akaverengwa naDr VengesaI Magadzire vanova head industry and consumer affairs, Dr Gift Muchengete director general wePOTRAZ, vanoti zvakakosha kuti vanhu vari munharaunda vafundiswe maringe nenzira dzakasiyana dzekufambiswa kwemashoko uye mhosho dzinosanganikwa nadzo mukuita izvi.

“Tinoramba tichifambidzana nedingindira remutungamiriri wenyika President Emmerson Mnangagwa rekuti nyika ino inofanira kuva nevanhu vane upfumi hwakaringana kuti tizadzikise zvinangwa zvegore ra2030. Zvirongwa zvekufambiswa kwemashoko pamasaisai (ICTs) zvakakosha kuti tizadzikise zvinangwa izvi.

“Kuburikidza neICT, vanhu vari kuita mabhizimusi muno nekunze asi tichiona kuti vatengi vakachengetedzeka mune zvose,” vanodaro.

Vagari vekuChipinge avo vaidzidziswa nezvekodzero dzevatengi

Dr Muchengete vanoenderera mberi vachiti: “Chirongwa chino ndechepiri zvichitevera chimwe chatakaita kuZezane mudunhu reMatabeleland South uye chichatekeshera mumatunhu ose kuitira kuti tikushe ruzivo kune veruzhinji.

“Kuburikidza neruzivo rwechizvino-zvino rweindaneti, zvinhu zvizhinji zvava kungoitwa panharembozha, ndiwo atova mabhanga sezvo tava kutenga nawo zvinhu zvakasiyana pamwe nekufambiswa kwemashoko.

“Asi makasitoma anogona kuita dambudziko pakushandisa nhare dzavo mukutenga kuti vanoenda kupi kunobatsirwa? Ichi ndicho chikonzero takaumba chimbvumirano chemushandirapamwe nebhanga reRBZ, CCZ neCPC, chinangwa chiri chekuona kuti kodzero dzemutengi dzachengetedzwa.”

Vanoti kuburikidza nemutemo weConsumer Protection Act, vatengi vane kodzero yekuziviswa huwandu kana huremu hwechokwadi hwezvinhu zvavanotenga, ruvara rwazvo, mabikirwo azvo uye mazuva azvinopera kushanda (expiry date).

“Kune zvimwe zvitoro zvinotonyora kuti kana munhu achinge atenga zvinhu haafaniri kuzvidzorera. Imhosva huru chaiyo nekuti kana mutengi asina kugutsikana anofanira kudzorera kuchitoro uye varidzi vemudziyo vanofanira kuutambira vomuripira,” vanodaro.

VaGodfrey Kepekepe

VaGodfrey Kepekepe vanova analyst national payment system financial marketing kuRBZ vanoti mari yakabvaruka haifaniri kurambwa mumisika.

“Imhosva huru kuti vanhu vawanikwe vachiramba mari yakabvaruka. Kana nhamba dzose dziripo, mari inoshanda asi kana munhu achinge asara nechidimbu chemari kureva kuti ane rutivi rwumwe chete rwayo anowaniswawo mari yake iri muchidimbu.

“Tinokurudzira zvekare kuti kana vanhu vachinge vaita matambudziko nemabhanga vape zvichemo zvavo kuchikamu cheCustomer Service kuitira kuti vabatsirwe nenguva pane kumhanyira kufambisa mashoko paSocial Media nekuti hazvigadzirisi chinhu,” vanodaro.

Detective Inspector Muleya

Detective Assistant Inspector Tom Muleya vekuchikamu cheCriminal Investigation Department vakafundisa veruzhinji nezvemhosva dzinoparwa pamasai-sai eindaneti (Cyber Crimes).

“Vazhinji tinovaona vachipa vanhu makadhi avo ekubhanga kuti vanovatorera mari kureva kuti vanovapa nhamba dzepini dzinofanira kuzivikanwa bedzi nemuridzi wekadhi. Mikana yekubirwa mari inowanda. Pasiwedhi yepanharembozha kana pakombiyuta ngaive yakachengetedzeka. Zvekare kune vanhu vari kushambadza mabasa paindaneti vozoti tumira mari muakaundi inoti, unobirwa mari yako inokosha basa worishaya uye vanhu ivavo vanonetsa kuronda nekuti vanoshandisa maakaundi akasiyana ayo vanozodzima mushure mekutora mari. Tiri kutambira nyaya dzakawanda dzerudzi urwu,” vanodaro.

Vanoti vamwe vanotorongerwa mapasipoti voenda kunze kwenyika uko vanonoshandiswa mumabasa ekutengesa muviri pasina miripo kana kupedzisira vaurayiwa nokudaro veruzhinji vanofanira kungwarira.

Dr Mtokozisi Tafadzwa Nkosi

Dr Mthokozisi Tafadzwa Nkosi vanova sachigaro weConsumer Protection Commission vanoti veruzhinji vanofanira kuisa zvichemo zvavo mugwaro ravari kuumba vakabatana nebazi rinoona nezvemaindasitiri nekutengeserana reConsumer Protection Policy rinozoenda padanho rekuumbwa kwemutemo weConsumer Protection Act.

“Mutemo uyu uripo pakuchengetedza vatengi avo vanogara vari padambudziko rekushungurudzwa nevemabhizimusi vanoisa mitengo miviri pamudziyo mumwe chete kuti vadhurirwe. Mitengo muzvitoro ngaive pachena uye midziyo inofanira kunyorwa nemitauro inonzwisisika kuvatengi pane kuti vatenge vari murima vozoerekana voona zviri mukati zvisiri izvo zvavanenge vari kufungira,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links